Skip to main content

Shona - The Second Epistle to Timothy

Page 1

2 Timotio CHITSAUKO 1 1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu. 2 kuna Timotio, mwanakomana wangu unodikamwa: Nyasha, tsitsi, nerugare, zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. 3 Ndinovonga Mwari wandinoshumira kubva kumadzibaba angu nehana yakachena, kuti ndinoramba ndichikurangarira paminyengetero yangu siku nesikati; 4 ndichishuva zvikuru kukuona ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro; 5 kana ndichiyeudzira rutendo rwusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara pakutanga muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi; uye ndine chokwadi kuti mamuriwo. 6 Naizvozvo ndinokuyeudzira kuti ukuchidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu. 7 Nekuti Mwari haana kutipa mweya wekutya; asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora. 8 Naizvozvo usanyara kupupura kwaIshe wedu, kana neni musungwa wake, asi uve vagovani vematambudziko eevhangeri, nesimba raMwari; 9 iye akatiponesa uye akatidana nokudana kutsvene, kwete maererano namabasa edu, asi maererano nokufunga kwake uye nenyasha, dzatakapiwa muna Kristu Jesu nyika isati yavapo. 10 Asi zvino chakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu Jesu Kristu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. 11 yandakaitwa muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni; 12 Nemhaka yechikonzero ichi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nekuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti unogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro. 13 Batisisa mufananidzo wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. 14 Icho chinhu chakanaka chawakakumikidzwa uchichengete neMweya Mutsvene unogara matiri. 15 Unozviziva izvi, kuti vose vari paAsia vakandifuratira; vamwe vavo ndiFigero naHemogene. 16 Ishe ape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nekuti kazhinji anondisimbisa, uye haana kunyadziswa neketani yangu. 17 Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana. 18 Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso iwe unozivisisa. CHITSAUKO 2 1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, zvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe. 3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waKristu Jesu.

4 Hakuna murwi unozvipinganidza nezvinhu zveupenyu huno; kuti agone kufadza uyo akamusarudza kuva murwi. 5 Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo. 6 Murimi unoshanda ndiye unofanira kutanga kugamuchira zvibereko. 7 Funga zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose. 8 Rangarira kuti Jesu Kristu akamutswa kubva kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, maererano neevhangeri yangu. 9 yandinotambudzika mairi zvakaipa kusvikira pazvisungo semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa. 10 Naizvozvo ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti ivowo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. 11 Shoko iri rakatendeka: Nokuti kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; 12 Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatirambawo; 13 Kana tisingatendi, iye unoramba akatendeka, haangazvirambi. 14 Uvayevudzire zvinhu izvi, uchivaraira pamberi paIshe, kuti varege kuita nharo dzemashoko dzisina rubatsiro, asi zvinongoparadza vanonzwa. 15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari wakatendeka, mushandi usingafaniri kunyadziswa, unonyatsoruramisa shoko rechokwadi. 16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nekuti vacharamba vachingonyanya pakusada Mwari. 17 Shoko ravo richaita seronda rinovava; vamwe vavo ndiHimenio naFireto; 18 ivo vakarashika pachokwadi, vachiti kumuka kwevakafa kwatopfuura; nokuparadza kutenda kwavamwe. 19 Kunyange zvakadaro nheyo dzaMwari dzinomira dzakasimba, dzine chisimbiso ichi: Ishe unoziva vari vake; Uye: Umwe neumwe unoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama. 20 Asi muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete, asiwo yematanda neyevhu; vamwe kukukudzwa, vamwe kusakudzwa. 21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka. 22 Tiza kuchiva kweuduku, asi utevere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena. 23 Asi mibvunzo yeupenzi isina kudzidza urambe, uchiziva kuti inomutsa kukakavara. 24 Uye muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira; 25 unorairira muunyoro vanopikisa; kana zvimwe Mwari avapa kutendeuka kuti vazive chokwadi; 26 uye kuti vapengenukezve kubva pamusungo wadhiabhorosi, wakabatwa naye muuranda pakuda kwake. CHITSAUKO 3 1 uzivewo ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika. 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanokara, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasina utsvene;


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Second Epistle to Timothy by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu