Skip to main content

Shona - The Gospel of Mark

Page 1

Vhangeri raMako CHITSAUKO 1 1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari; 2 sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako. 3 Inzwi reunodanidzira murenje, richiti: Gadzirai nzira yaIshe, ruramisai migwagwa yake. 4 Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukangamwirwa kwezvivi. 5 Zvino kwakabudira kwaari nyika yose yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vose naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo. 6 Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire redehwe pachiuno chake; Zvino wakadya mhashu neuchi hwedondo; 7 Akaparidza, achiti: Shure kwangu kunouya une simba kupfuura ini, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake. 8 Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene. 9 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani. 10 Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga rakazaruka, noMweya wakaita senjiva uchiburukira pamusoro pake. 11 Zvino kwakabuda inzwi kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofara naye kwazvo. 12 Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje. 13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani; uye wakange ane mhuka dzesango; uye vatumwa vakamushandira. 14 Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari. 15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri. 16 Wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi. 17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu. 18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera. 19 Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake vari muchikepe vachigadzira mimbure. 20 Pakarepo akavadana; vakasiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera. 21 Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa. 22 Vakashamisika nedzidziso yake; nekuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori. 23 Zvino musinagoge ravo makange mune munhu waiva ane mweya wetsvina; uye akadanidzira achiti.

24 achiti: Ngatiregei; tinei nemwi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari. 25 Jesu akautsiura achiti: Nyarara, ubude maari! 26 Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari. 27 Vakashamisika vose, kusvikira vavhunzana, vachiti: Chii ichi? dzidziso itsva iyi? Nekuti nesimba unoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera. 28 Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yose yakapoteredza Garirea. 29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya, vaina Jakobho naJohwani. 30 Asi mbuyawasha vaSimoni vakange vavete vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo; 31 akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikabva kwavari pakarepo, vakavashandira. 32 Zvino ava madekwana, zuva rovira, vakaisa kwaari vose vakange vachirwara nevakange vane madhimoni. 33 Zvino guta rose rakange rakaungana pamukova. 34 Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nekuti aimuziva. 35 Zvino mangwanani kuchine rima guru, akamuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo. 36 Simoni nevakange vanaye vakamutevera. 37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vose vanokutsvakai. 38 Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nekuti ndizvo zvandakabudira. 39 Akaparidza mumasinagoge avo paGarirea rose, achibudisa madhimoni. 40 Zvino kwakauya kwaari une maperembudzi, achimukumbirisa ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa. 41 Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa; uve wakachena. 42 achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa. 43 Akamuraira zvikuru, akamurega achienda; 44 akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, unozviratidza kumupristi, ubayire pakunatswa kwako izvo Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari. 45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ose. CHITSAUKO 2 1 Zvino akapindazve muKapenaume pashure pemazuva; kukanzwika kuti ari mumba. 2 Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari. 3 Vakauya kwaari, vakaisa wakange akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana. 4 Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati variputsa vakaburusira uchanja hwaakange avete pahwuri wakange akafa mitezo.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook