Skip to main content

Shona - The Gospel of Luke

Page 1

Ruka CHITSAUKO 1 1 Sezvo vazhinji vakatenderana kugadzirira kududzirwa kwezvinhu zvinotendwa zvirokwazvo pakati pedu, 2 sezvavakavapa kwatiri, avo vaiva zvapupu zvakaona kubva pakutanga, nevashumiri veshoko; 3 Ndakati zvakanakawo kwandiri, zvandakanga ndichinzwisisa zvakakwana zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei ndichitevedzanisa, imi Tiofiro changamire, 4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. 5 Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya, nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti. 6 Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo wose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa. 7 Uye vakange vasina mwana, nekuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri. 8 Zvino zvakaitika kuti achiri kubata basa reupristi pamberi paMwari weboka rake. 9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira apinda mutembere yaIshe. 10 Zvino chaunga chose chavanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira. 11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira. 12 Zvino Zakaria wakati achimuona akavhiringidzika, kutya kukamuwira. 13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nekuti munyengetero wako wanzwikwa; uye mukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani. 14 Uye uchava nemufaro nekupembera; uye vazhinji vachafarira kuberekwa kwake. 15 Nekuti uchava mukuru pamberi paIshe, haangatongomwi waini kana zvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake. 16 Nevazhinji vevana vaIsraeri uchatendeusira kuna Ishe Mwari wavo; 17 Uye iye uchafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama; kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirirwa. 18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? nekuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake. 19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, unomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire evhangeri iyi. 20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nekuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo. 21 Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.

22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti wakange aona dzengerere mutembere; akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumu. 23 Zvino zvakaitika kuti mazuva ekushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake. 24 Shure kwamazuva iwayo, Erizabheti mukadzi wake akava nemimba, akazvivanza mwedzi mishanu, akati. 25 Jehovha akandiitira saizvozvo namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadziswa kwangu pakati pavanhu. 26 Zvino nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta. 27 kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria. 28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha, Ishe unewe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi. 29 Iye wakati achimuona akavhiringidzwa neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai. 30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nekuti wawana nyasha kuna Mwari. 31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu. 32 Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro, uye Ishe Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. 33 Uchatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi; uye ushe hwake hahungavi nemugumo. 34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nekuti handizivi murume? 35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWokumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari. 36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake, nemwedzi uno wava wechitanhatu kwaari, wainzi mhanje. 37 Nekuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki. 38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa akabva kwaari. 39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha; 40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti. 41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene; 42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako! 43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kandiri? 44 Nekuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro. 45 Uye wakaropafadzwa iye wakatenda, nekuti zvakataurwa kwaari naIshe zvichazadziswa. 46 Maria ndokuti: Mweya wangu unokudza Ishe; 47 Uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu. 48 Nekuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nekuti tarira, kubva zvino mazera ose achanditi ndakaropafadzwa. 49 Nekuti une masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; uye zita rake idzvene.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook