Johani CHITSAUKO 1 1 Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. 2 Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga. 3 Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa. 4 Maari maiva noupenyu; uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu. 5 uye chiedza chinovhenekera murima; uye rima harina kuzvigamuchira. 6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani. 7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye. 8 Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza. 9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe unouya panyika. 10 Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva. 11 Akauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira. 12 Asi vose vakamugamuchira, wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake; 13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari. 14 Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe woga waBaba, azere nenyasha nechokwadi. 15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyo unouya shure kwangu wakanditangira, nekuti wakange aripo mberi kwangu. 16 Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha. 17 Nekuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. 18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe woga, uri pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa. 19 Uye uhwu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani? 20 Akabvuma, uye haana kuramba; asi akanyatsopupura pachena achiti: Ini handisi Kristu. 21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Ndiwe Eria here? Iye akati: Handisi. Iwe uri muporofita uya here? Akapindura akati, Kwete. 22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? kuti tipe mhinduro avo vakatituma. Unoti kudini pamusoro pako? 23 Akati: Ini ndini inzwi reunodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva muporofita Isaya. 24 Ava vakange vatumwa vaiva vevaFarisi. 25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya? 26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire umwe wamusingazivi;
27 Ndiye unouya shure kwangu, uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake. 28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani. 29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika. 30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nekuti wakange ariko mberi kwangu. 31 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aratidzwe kuna Israeri, naizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura. 32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake. 33 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza neMweya Mutsvene. 34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari. 35 Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake; 36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari. 37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu. 38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa: Mudzidzisi), munogarepi? 39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara, vakagara naye zuva iroro, nekuti raiva awa rinenge regumi. 40 Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vanzwa Johwani vakamutevera. 41 Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti Kristu, kana zvichishandurwa. 42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu wakati achimutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi, ndokuti kana zvichishandurwa, Ibwe. 43 Ava mangwana Jesu akada kubuda aende Garirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere. 44 Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriyasi naPetro. 45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana iye Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa. 46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone. 47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarirai muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari. 48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakuona. 49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo waIsiraeri. 50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri, ndakuona munyasi momuonde here? uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvi. 51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga richizaruka,