Skip to main content

Shona - The Epistle to the Hebrews

Page 1

VaHebheru CHITSAUKO 1 1 Mwari wakataura kare kumadzibaba kubudikidza navaprofita pamazuva mazhinji uye nemitoo mizhinji, 2 Pamazuva ekupedzisira wakataura kwatiri neMwanakomana wake, waakagadza mugari wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika; 3 iye ari kupenya kwekubwinya kwake, nemufananidzo wemunhu chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu pachake, akagara kuruoko rwerudyi rweUkuru kumusoro; 4 akaitwa mukuru kwazvo kupfuura vatumwa, sezvaakawana nhaka yokukudzwa kwazvo kupfuura zita ravo. 5 Nekuti ndekune upi mutumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ndichava Baba vake, naiye uchava Mwanakomana wangu? 6 Uye, kana achiuyisazve dangwe panyika, unoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate. 7 Nepamusoro pevatumwa unoti: Unoita vatumwa vake mweya, nevashumiri vake murazvo wemoto; 8 Asi kuMwanakomana unoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama ndiyo tsvimbo yeushe hwenyu. 9 Iwe wakada kururama, ukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai namafuta emufaro kupfuura shamwari dzenyu. 10 Uye kuti: Imwi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga; uye denga ndiro basa ramaoko enyu. 11 Vachaparara; asi iwe unoramba uripo; uye ose achasakara senguo; 12 Uye sechipfeko, muchaapeta, uye achashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi. 13 Asi ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako? 14 Ko havazi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachagara nhaka yeruponeso here? CHITSAUKO 2 1 Naizvozvo tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, kuti chero nguva tirege kueredzwa. 2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kudarika kwose nokusateerera kwakagamuchira mubairo wakafanira; 3 Isu tichapukunyuka sei, kana tichishaya hanya neruponeso rukuru rwakadai? iro pakutanga kutaurwa naIshe, rikasimbiswa kwatiri naivo vakamunzwa; 4 Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo nezvishamiso, namabasa esimba mazhinji, nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake. 5 Nekuti haana kuisa shoko rinouya pasi kuvatumwa, ratinotaura nezvaro. 6 Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Ko munhu chii, kuti mumurangarire? kana Mwanakomana womunhu, zvamunomushanyira?

7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamupfekedza korona yekubwinya nerukudzo, mukamugadza pamusoro pemabasa emaoko enyu. 8 Zvinhu zvose makaisa pasi pake pasi petsoka dzake. Nekuti pane izvi wakaisa zvinhu zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi zvino tichigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake. 9 Asi tinoona Jesu, wakaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, nekuda kwekutambudzika kwerufu, wakashongedzwa korona yekubwinya nerukudzo; kuti nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira munhu wose. 10 Nekuti zvakanga zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo nokuda kwake, uye zvinhu zvose zvakaitwa naye, pakuisa vanakomana vazhinji pakubwinya, apedzeredze mutungamiriri wekuponeswa kwavo kubudikidza nematambudziko. 11 Nokuti vose vanovaita vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune mumwe; naizvozvo haanyari kuvaidza hama; 12 achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza. 13 Uyezve: Ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana vandakapiwa naMwari. 14 Naizvozvo sezvo vacheche vari vagovani veropa nenyama, naiyewo wakagovana navo pane izvozvi; kuti kubudikidza nerufu aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi; 15 agosunungura avo kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda paupenyu hwavo hwose. 16 Nekuti zvirokwazvo, haana kuzvitorera vatumwa; asi akazvitorera mbeu yaAbhurahama. 17 Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru une tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu. 18 Nekuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiidzwa, unogona kuvabatsira avo vanoidzwa. CHITSAUKO 3 1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani pakudanwa kwekudenga, rangarirai muapositori nemupristi mukuru wekupupura kwedu, iye Kristu Jesu; 2 wakange akatendeka kuna iye wakamugadza, saMozisiwo muimba yake yose. 3 Nekuti uyu wakanzi wakafanira rukudzo rwunopfuura rwaMozisi, muvaki weimba sezvaanokudzwa kupfuura imba; 4 Nekuti imba imwe neimwe inovakwa neumwe munhu; asi unovaka zvose ndiMwari. 5 Mozisi zvirokwazvo akanga akatendeka muimba yake yose semuranda, kuti ave chapupu chezvinhu izvo zvaifanira kuzotaurwa; 6 asi Kristu seMwanakomana pamusoro peimba yake; iye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa kusatya netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo kusvikira pakuguma. 7 Naizvozvo (nokuti Mweya Mutsvene unoti: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake. 8 Musawomesa moyo yenyu, sepakutsamwiswa, nezuva rekuidzwa murenje; 9 Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, vakandiidza, vakaona mabasa angu makore ana makumi mana.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Epistle to the Hebrews by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu