Skip to main content

Shona - The Epistle of James

Page 1

James CHITSAUKO 1 1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri akapararira: Kwaziwai! 2 Hama dzangu, zvitorei zvose semufaro kana muchiwira mumiidzo yakasiyana siyana; 3 muchiziva kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunobereka kutsungirira. 4 Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakaperedzera nekukwana musingashaiwi chinhu. 5 Kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri ngaakumbire kuna Mwari, unopavhurira vose asingatuki; uye achapiwa. 6 Asi ngaakumbire nerutendo, asingakahadziki chinhu; Nokuti munhu anokahadzika akaita sefungu regungwa rinosundwa uye richimutswa-mutswa nemhepo. 7 Nekuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti uchazogamuchira chinhu kubva kuna Ishe; 8 Munhu une moyo miviri, usina kwake panzira dzake dzose; 9 Hama yakaderera ngaifare pakukudzwa kwayo; 10 asi mufumi pakuderedzwa kwake, nekuti seruva reuswa uchapfuura. 11 Nekuti zuva rinobuda pamwe nekupisa kunopfutidza ndokuwomesa uswa; ruva rahwo rinodonha, nekunaka kwechimiro chahwo kuchiparara; saizvozvowo mufumi uchasvava panzira dzake. 12 Wakaropafadzwa munhu unotsungirira pamuidzo; nekuti kana anzverwa, uchagamuchira korona yeupenyu Ishe yaakavimbisa avo vanomuda. 13 Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; 14 Asi munhu umwe neumwe unoidzwa kana achikwehwa nekukwezwa nekuchiva kwake. 15 Zvino kuchiva kana kwakurirwa kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu. 16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikamwa. 17 Chipo chose chakanaka nechipo chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wekushanduka. 18 Nekuda kwekuda kwake wakatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake. 19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; 20 Nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari. 21 Saka bvisai zvinyangadzo zvose nekuwanda kweuipi, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu. 22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi voga, muchizvinyengera. 23 Nokuti kana ani nani ari munzwi weshoko, asati ari muiti, wakafanana nomunhu unoona chiso chake chaakaberekwa nacho mugirazi; 24 Nekuti unozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.

25 Asi uyo unocherekedza murairo wakaperedzerwa wekusunungurwa, akaramba achidaro asati ari munzwi unokanganwa, asi muiti webasa, munhu uyu ucharopafadzwa pane zvaanoita. 26 Kana munhu pakati penyu achiti unotenda, asingadzori rurimi rwake, achinyengera moyo wake, rutendo rwemunhu uyu harwuna maturo. 27 Rutendo rwakarurama, rwusina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndirworwu, kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta kuti arege kusvibiswa nenyika. CHITSAUKO 2 1 Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu wekubwinya ngakusava nerusarura. 2 Nekuti kana paungano yenyu pakapinda murume ane mhete yendarama, nenguvo dzakanaka, murombo akapindawo ane nguvo dzakashata; 3 mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzinobwinya, mukati kwaari: Gara pano panzvimbo yakanaka; ndikati kumurombo: Iwe mira ipapo, kana ugare pasi pechitsiko chetsoka dzangu; 4 Ko hamuna kutsaura mukati menyu mukava vatongi vendangariro dzakaipa here? 5 Inzwai, hama dzangu dzinodikamwa: Mwari haana kusarudza varombo venyika vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda here? 6 Asi imwi makazvidza murombo. Ko vafumi havakudzvinyiririi vachikukweverai kuzvigaro zvekutonga here? 7 Ivo havanyombi zita rakanaka ramunodaidzwa naro here? 8 Kana muchizadzisa murairo woushe, zvinoenderana nerugwaro runoti: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka; 9 Asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki. 10 Nekuti ani nani unochengeta murairo wose, akagumburwa kune umwe, wava nemhosva kune yose. 11 Nekuti iye wakati: Usaita upombwe, wakatiwo: Usauraya. Zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo. 12 Taurai saizvozvo, uye itai seizvozvo sevanozotongwa nemurairo wekusunungurwa. 13 Nekuti kutonga kusina tsitsi ndekweuyo usina kuitira vamwe tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga. 14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo asi asina mabasa? kutenda kungamuponesa here? 15 Kana hama kana hanzvadzi yakashama, ichishaiwa zvokudya zvezuva rimwe nerimwe, 16 Mumwe wenyu akati kwavari: Endai nerugare, mudziyirwe, mugute; asi hamuvapi zvinhu izvo zvinodikamwa nemuviri; zvinobatsirei? 17 Saizvozvo rutendo kana rwusina mabasa, rwakafa rwuri rwoga. 18 Asi mumwe ungati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako rwusina mabasa, neni ndigokuratidza rutendo rwangu nemabasa angu. 19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe; unoita zvakanaka; madhimoni anotendawo achidedera. 20 Asi unoda kuziva here iwe munhu dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook