Rute CHITSAUKO 1 1 Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Zvino mumwe murume weBheterehemujudha akandogara ari mutorwa panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri. 2 Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Vakasvika kunyika yaMoabhu, vakagarapo. 3 Erimereki murume waNaomi akafa; iye ndokusara nevanakomana vake vaviri. 4 Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe rakanga riri Opa, nezita romumwe Rute; vakagarapo makore anenge gumi. 5 Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri; mukadzi akasiiwa navanakomana vake vaviri nomurume wake. 6 Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nekuti akanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya. 7 Naizvozvo wakabuda kwaakanga ari, navakadzi vavana vake vaviri pamwechete naye; vakafamba nenzira yokudzokera kunyika yaJudha. 8 Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitira vakafa neniwo. 9 Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake. Ipapo akavatsvoda; vakachema kwazvo. 10 Vakati kwaari, Zvirokwazvo tichadzokera nemi kuvanhu venyu. 11 Naomi akati, Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? kuchine vamwe vanakomana muchizvaro changu vangazova varume venyu here? 12 Dzokai, vana vangu, endai henyu; nekuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurume. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno, 21 فقال لهم يسوع عليهم. 13 Mungavamirira kusvikira vakura here? Munoda kurambira pakuwanikwa kwenyu here? kwete, vanasikana vangu; nekuti zvinovava kwazvo kwandiri nokuda kwenyu, nekuti ruoko rwaJehovha runorwa neni. 14 Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake; asi Rute wakamunamatira. 15 Akati, Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokunamwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako. 16 Rute akati, Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nekuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu uchava Mwari wangu; 17 pamunofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imwi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu chete. 18 Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. 19 Naizvozvo ivo vaviri vakafamba kusvikira vasvika paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu,
guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, Uyu ndiye Naomi here? 20 Akati kwavari, Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nekuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. 21 Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira kwazvo, waMasimbaose zvaakanditambudza? 22 Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu, vakasvika Bheterehemu nguva yokukohwa bhari ichangotanga. CHITSAUKO 2 1 Zvino Naomi wakange ane hama yomurume wake, murume wakange ane simba nefuma, weimba yaErimereki; uye zita rake raiva Bhowasi. 2 Rute muMoabhu akati kuna Naomi, Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha. Iye akati kwaari, Enda hako, mwana wangu. 3 Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; zvirokwazvo, akasvikira pamunda waBhowasi wehama yaErimereki. 4 Zvino vonei, Bhowasi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, Jehovha ave nemi. Vakapindura vakati kwaari, Jehovha akuropafadze. 5 Ipapo Bhowasi akati kumuranda wake wakange ari mutariri wavacheki, Musikana uyu ndowaaniko? 6 Muranda waiva mutariri wavacheki akapindura, akati, Ndiye musikana muMoabhu wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu; 7 Iye akati, Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote, naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, ndokugara mumba nguva duku. 8 Ipapo Bhowasi akati kuna Rute, Chinzwa hako, mwana wangu? Usandounganidza kuno mumwe munda, kana kubva pano, asi utsanya pano pavasikana vangu; 9 Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; handina kuraira majaya kuti arege kukubata here? kana wava nenyota, enda kumidziyo, umwe zvakatewa namajaya. 10 Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, Ndanzwirwa nyasha nemwi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu? 11 Bhowasi akapindura, akati kwaari, Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako, nenyika yawakaberekerwa. , uye wasvika kuvanhu vawakanga usingazivi kare. 12 Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake. 13 Iye akati, Ngandiwane nyasha kwamuri, ishe wangu; nekuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu. 14 Bhowasi akati kwaari, Nenguva yokudya uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga. Iye