Skip to main content

Shona - The Book of Prophet Zephaniah

Page 1

Zefaniya CHITSAUKO 1 1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekiya, namazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha. 2 Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri panyika ndizvo zvinotaura Jehovha. 3 Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu panyika ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 Ndichatambanudzirawo ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi; 5 Naivo vanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba; nevanonamata, vanopika naJehovha, nevanopika naMarikami; 6 navanodzoka kuna Jehovha; navasina kutsvaka Jehovha, kana kumubvunza. 7 Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedo; nekuti Jehovha wagadzira chibayiro, wakadana vakakokwa vake. 8 Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda, navana vamambo, navose vakafuka nguvo dzokumwe. 9 Nezuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza chikumbaridzo, vanozadza dzimba dzatenzi wavo nechisimba nounyengeri. 10 Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha kuchanzwika inzwi rokuchema richibva pasuwo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rwechipiri, nokukoromoka kukuru kunobva kuzvikomo. 11 Chemai, imwi mugere Makteshi, nekuti vanhu vose vanotengesa vaparadzwa; vose vatakuri vesirivha vaparadzwa. 12 Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu namamwenje, nokurova varume vagere pamasese avo, vanoti mumoyo mavo, Jehovha haangaiti zvakanaka, kana kuita zvakaipa. 13 fuma yavo ichapambwa, nedzimba dzavo matongo; vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizambiringa, asi havangamwi waini yayo. 14 Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare ichachemapo zvinorwadza. 15 Zuva iroro izuva rehasha, zuva rekutambudzika nerokumanikidzwa, zuva rematongo

nerokuparadzwa, zuva rerima nerokusuwa, zuva ramakore nerima guru. 16 Zuva rehwamanda neremhere pamusoro pamaguta akakombwa namasvingo, napamusoro peshongwe dzakakwirira. 17 Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nekuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove. 18 Sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nekuti achaparadza nokukurumidza vose vagere panyika. CHITSAUKO 2 1 Unganai, zvirokwazvo unganai, imwi rudzi rusingadiwi; 2 Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. 3 Tsvakai Jehovha, imwi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha. 4 nekuti Gaza richasiiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa. 5 Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKereti! shoko raJehovha rinokurwisa; Iwe Kanani, nyika yevaFiristia, ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogaramo. 6 Mhenderekedzo yegungwa ichava mafuro nemapako avafudzi nezvirugu zvamakwai. 7 Muganhu uchava wavakasara veimba yaJudha; vachafurapo, vachavata pasi mudzimba dzeAshikeroni madekwana, nekuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira, nokudzosa kutapwa kwavo. 8 Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhu, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganhu wavo. 9 Naizvozvo noupenyu hwangu, anoreva Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, “Zvirokwazvo Moabhi vachava seSodhoma, uye vanakomana vaAmoni seGomora, kuberekwa kworukato nemakomba emunyu, nedongo risingaperi; vanhu vachazvipamba, uye vakasara vavanhu vangu vachava vavo. 10 Ndizvo zvavachapiwa nokuda kokuzvikudza kwavo, nekuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari. 11 Jehovha achavatyisa kwazvo, nekuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata, mumwe nomumwe ari panzvimbo yake, izvo zviwi zvose zvavahedheni.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook