Jona CHITSAUKO 1 1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti, 2 Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undodanidzira pamusoro paro; nekuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu. 3 Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha, akaburukira Jopa; akawana chikepe chaienda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha. 4 Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika. 5 Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti dzichirerusire. Asi Jona akanga aburukira mukati-kati meareka; Akavata pasi, akabatwa nehope kwazvo. 6 Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara. 7 Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani. Zvino vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona. 8 Zvino vakati kwaari, Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; Basa rako nderei? uye unobvepi? nyika yako ndeipi? iwe uri werudzi rupi? 9 Iye akati kwavari, Ndiri muHebheru; ndinotya Jehovha Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma. 10 Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, Waitireiko izvozvo? nekuti varume vakaziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nekuti akavaudza. 11 Zvino vakati kwaari, Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire? nekuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga. 12 Iye akati kwavari, Ndisimudzei, mundikandire mugungwa; naizvozvo gungwa richakunyararirai; nekuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu. 13 Asi varume vakakwasva nesimba kuti vauye napo panyika; asi vakakoniwa, nekuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera. 14 Zvino vakachema kuna Jehovha, ndokuti: Tinokunyengeterai henyu, Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nekuda kweupenyu hwemunhu uyu, uye murege kuisa pamusoro pedu ropa risina mhosva; nokuti imwi Jehovha makaita sezvamada. iwe. 15 Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. 16 Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko. 17 Zvino Jehovha akanga agadzirira hove huru kuti imedze Jona. Jona akava mudumbu mehove mazuva matatu nousiku hutatu. CHITSAUKO 2 1 Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2 Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, imwi mukanzwa inzwi rangu. 3 nekuti makandikandira makadzika, mukati megungwa; Mafungu enyu namafungu enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu. 4 Ipapo ndikati, Ndarashwa, hamuchandioni; Kunyange zvakadaro ndicharingirazve kutemberi yenyu tsvene. 5 Mvura zhinji yakandipoteredza kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; sora rakanga riri pamusoro wangu. 6 Ndakaburukira pasi pamakomo; Nyika, zvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; Kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, Jehovha Mwari wangu. 7 Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri, mutemberi yenyu tsvene. 8 Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha dzavo. 9 Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha. 10 Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma. CHITSAUKO 3 1 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, 2 Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze. 3 Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu. 4 Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, akati, Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa. 5 Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokutsanya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo. 6 Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguvo yake, akafuka saga, nokugara mumadota. 7 Akaita kuti chiparidzwe, chiparidzwe muNinivhe rose chirevo chamambo nevakuru vake, achiti, Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kumwa mvura; 8 asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake. 9 Ndiani angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa? 10 Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa; Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; uye haana kuzviita.