Skip to main content

Shona - The Book of Prophet Isaiah

Page 1

Isaya CHITSAUKO 1 1 Zvakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro paJudha neJerusaremu, pamazuva aUziya, naJotamu, naAhazi, naHezekia, madzimambo aJudha. 2 Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nekuti Jehovha akataura, achiti, Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira. 3 Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri. 4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora, vakasiya Jehovha, vakamukira Mutsvene waIsiraeri, vakadzokera shure. 5 Mucharoverweikozve? Musoro wose unorwadza, nomoyo wose waziya. 6 Kubva parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri; asi mavanga, namavanga, namavanga okutanga, haana kupfigwa, haana kusungwa, kana kuzorwa nechizoro. 7 Nyika yenyu rava dongo, maguta enyu apiswa nomoto; nyika yenyu yopedzwa navatorwa imwi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa. 8 Mukunda weZiyoni wasiiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo. 9 Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vakasara vashomashoma, tingadai takaita seSodhoma, takaita seGomora. 10 Inzwai shoko raJehovha, imwi vabati veSodhoma; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora. 11 Zvibayiro zvenyu zvizhinji zvinondibatsirei? Zvanzi naJehovha, Ndaguta nezvipiriso zvinopiswa zvamakondobwe, namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; uye handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwayana, kana renhongo. 12 Kana muchiuya kuzondiona, ndianiko anoreva izvozvo pamaoko enyu, kuti mutsike vazhe dzangu? 13 Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuhwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwoMwedzi namaSabata, nokukokera ungano, handigoni kuzvibvisa; zvakaipa, ndiyo ungano yakatarwa. 14 Nguva dzenyu dzokugara komwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinonditambudza; ndaneta nokuzvitakura. 15 Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa. 16 Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuita zvakaipa; 17 dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi. 18 Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.

19 Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika; 20 Asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo. 21 Haiwa, guta rakatendeka rashanduka chifeve sei! rakanga rizere nokutonga; kururama kwakagara mariri; asi zvino mhondi. 22 Sirivha yako yava marara, waini yako yakavhenganiswa nemvura. 23 Machinda ako akamukira Jehovha, ishamwari dzembavha; mumwe nomumwe anoda zvipo, anovinga mibayiro; havaruramisiri nherera, mhosva yechirikadzi haiuyi kwavari. 24 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha wehondo, Iye Anesimba waIsiraeri, Haiwa, ndichazorodza vadzivisi vangu, ndichazvitsivira kuvavengi vangu; 25 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri, ndinatse chose marara ako, ndibvise tini yako; 26 Ndichadzosera vatongi vako sapakutanga, namakurukota ako sapakutanga; pashure uchanzi, Guta rokururama, guta rakatendeka. 27 Ziyoni richadzikunurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo nokururama; 28 Ipapo kuparadzwa kwavadariki navatadzi kuchava pamwe chete, uye vanosiya Jehovha vachapedzwa. 29 nekuti vachanyadziswa pamusoro pemiouki yamaifarira, muchava nenyadzi pamusoro peminda yamakasanangura. 30 nekuti muchava somuouki wasvava mashizha, uye somunda usine mvura. 31 Ane simba achava serwodzi, nomuiti wayo sesasaradzi dzomoto; zvose zvichatsva pamwechete, hakuna angazvidzima. CHITSAUKO 2 1 Shoko, rakaonekwa naIsaya, mwanakomana waAmozi, pamusoro paJudha neJerusaremu. 2 Zvino namazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. 3 Vanhu vazhinji vachaenda vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakove; iye uchatidzidzisa nzira dzake, isu tichafamba mumakwara ake; nekuti paZiyoni ndipo pachabuda murayiro, neshoko raJehovha paJerusaremu. 4 Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. 5 Iwe imba yaJakove, uyai tifambe muchiedza chaJehovha. 6 Naizvozvo imwi makasiya vanhu venyu veimba yaJakove, nekuti vazere netsika dzinobva mabvazuva, vanouka savaFirisitia, vanotsvaka kufadza vamwe pakati pavatorwa. 7 Nyika yavo izere nesirivha nendarama, fuma yavo haiperi; nyika yavo izerewo namabhiza, nengoro dzavo dzokurwa hadziperi. 8 Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata mabasa amaoko avo, izvo zvakaitwa neminwe yavo;


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Book of Prophet Isaiah by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu