Skip to main content

Shona - The Book of Prophet Hosea

Page 1

Hosiya CHITSAUKO 1 1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Hosiya, mwanakomana waBheeri, namazuva aUziya naJotamu naAhazi naHezekia, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri. 2 Kutanga kweshoko raJehovha naHosiya. Jehovha akati kuna Hosiya, Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nekuti nyika inofeva zvikuru, yavakabva kuna Jehovha. 3 Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDhibhiraimi; akava nemimba, akamuberekera mwanakomana. 4 Jehovha akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi Jezireeri; nekuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireeri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri. 5 Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireeri. 6 Akabata mimbazve, ndokubereka mwanasikana. Mwari akati kwaari, Mutumidze zita rinonzi Roruhama, nekuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha; asi ndichavabvisa chose. 7 Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza. 8 Zvino akati arumura Roruhama, akanaka pamuviri, akabereka mwanakomana. 9 Ipapo Mwari akati, Mutumidze zita rinonzi Roami; nekuti imwi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu. 10 Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingagoni kuyerwa kana kuverengwa; zvino zvichaitika, kuti panzvimbo pakanzi kwavari: Hamuzi vanhu vangu, ipapo pazvichanzi kwavari: Muri vanakomana vaMwari mupenyu. 11 Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubuda panyika nekuti zuva reJezireeri richava guru. CHITSAUKO 2 1 Itiyi kuhama dzenyu, Imi; nokuhanzvadzi dzenyu, Ruhama. 2 Kakavarai namai venyu, kakavarai, nekuti havazi mukadzi wangu, handisi murume wavo; 3 kuti ndirege kumukumurira nguvo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota. 4 Handinganzwiri vana vake tsitsi; nekuti ivo vana voufeve. 5 nekuti mai vavo vakafeva, ivo vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nekuti vakati, Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokumwa zvangu. 6 Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako nemhinzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake.

7 Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga; nekuti nenguva iyo zvaiva nani kwandiri kupfuura ikozvino. 8 nekuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini, namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavakanga vagadzirira Bhaari nazvo. 9 Naizvozvo ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu nenhambo yazvo, ndichamutorera makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake. 10 Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu. 11 Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara komwedzi, namasabata ake, nemitambo yake yose yakatarwa. 12 Ndichaparadza mizambiringa yake nemionde yake, yaaiti, Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu, ndichazviita dondo, zvichadyiwa nezvikara zvesango. 13 Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuhwira, achizvishongedza nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangamwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. 14 Naizvozvo tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndikataura zvakanaka naye. 15 Ndichamupa minda yake yemizambiringa kubva ipapo, nomupata weAkori uve mukova wetariro kwaari; achaimbapo, sapamazuva oujaya hwake, sapazuva raakabuda panyika yeEgipita. 16 Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, uchandiidza Ishi; hauchazondiidzi Bhaari. 17 nekuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazorangarirwi namazita avo; 18 Zvino nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango, neshiri dzedenga, nezvinokambaira zvepasi; uye ndichavhuna uta, nebakatwa, nehondo kubva panyika, uye ndichaita kuti varare pasi vakachengeteka. 19 Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, netsitsi. 20 Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha. 21 Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika; 22 Nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; ivo vachanzwa Jezreeri. 23 Ndichazvisimira iye panyika; ndichanzwira nyasha iye wakange asina kuwana nyasha; ndichati kune vakanga vasiri vanhu vangu: Imi muri vanhu vangu; ivo vachati, Ndimi Mwari wangu. CHITSAUKO 3 1 Ipapo Jehovha akati kwandiri, Enda, undodazve mukadzi anodikamwa nowokwake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana vaIsiraeri, vanotarira vamwe vamwari, vachida mazambiringa omuorivhi. 2 Naizvozvo ndakamutenga namashekeri ane gumi namashanu esirivha, nehomeri yebhari, nehomeri yebhari; 3 Ndikati kwaari, Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichava newe.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook