Amosi CHITSAUKO 1 1 Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kokudengenyeka kwenyika. 2 Akati, Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma. 3 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare; 4 Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi. 5 Ndichavhunawo muzariro weDhamasiko, nokuparadza vagere pamuoki weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paimba yeEdheni; navanhu veSiria vachatapwa kuKiri, ndizvo zvinotaura Jehovha. 6 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nekuti vakatapa vatapwa vose, kuzovaisa kuna Edhomu; 7 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe; 8 Ndichaparadza vagere Ashidhodhi nowakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparara, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakaisa vatapwa vose kuna Edhomu, vakasarangarira sungano yehama. 10 Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe. 11 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti wakateverera munin'ina wake nomunondo, akarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaibvambura nokusingaperi, akaramba akatsamwa nokusingaperi. 12 Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira. 13 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti vana vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo; 14 Asi ndichabatidza moto paRabha rose, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri. 15 Mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake, ndizvo zvinotaura Jehovha. CHITSAUKO 2 1 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Moabhu vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti akapisa mafupa amambo waEdhomu kuita madota; 2 Asi ndichatuma moto pamusoro paMoabhu, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhu vachafa nebope, nokupururudza, nokurira kwehwamanda.
3 Ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo, ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakazvidza murayiro waJehovha, vakasachengeta mirairo yake, vakatsauswa nenhema dzavo, dzakateverwa namadzibaba avo; 5 Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu. 6 Zvanzi naJehovha, Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nekuti vakatengesa vakarurama nesirivha, navarombo vachipiwa shangu mbiri; 7 ivo vanoshuva guruva renyika pamusoro womurombo, nokutsausa nzira yomunhu munyoro, uye murume nababa vake vachapinda kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene; 8 Vanovata pasi panguvo dzakaitwa rubatso paaritari imwe neimwe, uye vanonwa waini yavakaripiswa mumba mamwari wavo. 9 Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro, nemidzi yavo pasi. 10 Ndakakubudisaiwo munyika yeEgipita, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori. 11 Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imwi vana vaIsiraeri? Ndizvo zvinotaura Jehovha. 12 Asi makapa vaNaziri waini vamwe; akaraira vaporofita, achiti: Musaporofita. 13 Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda. 14 Saka anomhanyisa achaparara, ane simba haangasimbisi simba rake, uye ane simba haangazvirwiri; 15 Kunyange anobata uta haangamiri; anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri mweya wake. 16 ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha. CHITSAUKO 3 1 Inzwai shoko iri rataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa munyika yeIjipiti, achiti: 2 Ndimi moga vandakaziva pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose. 3 Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kusangana here? 4 Ko shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayabata here? 5 Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko munhu anganyura musungo panyika, akasatongobata chinhu here? 6 Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here?