Skip to main content

Shona - The Book of Numbers

Page 1

Numeri CHITSAUKO 1 1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai, mutende rekusangana, nezuva rekutanga remwedzi wechipiri, negore rechipiri rekubuda kwavo panyika yeEgipita, achiti: 2 Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, murume mumwe nomumwe, mumwe nomumwe; 3 Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa. 4 Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe; mumwe nomumwe mukuru weimba yamadzibaba ake. 5 Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: Vorudzi rwaRubheni; Erizuri mwanakomana waShedheuri. 6 WokwaSimioni; Sherumieri mwanakomana waZurishadhai. 7 WokwaJudha; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu. 8 WokwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari. 9 WokwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni. 10 Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu; wokwaManase, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri. 11 WokwaBhenjamini; Abhidhani mwanakomana waGidheoni. 12 WokwaDhani; Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai. 13 WokwaAsheri; Pagieri mwanakomana waOkirani. 14 WokwaGadhi; Eriasafi mwanakomana waDheueri. 15 wokwaNafutari; Ahira mwanakomana waEnani. 16 Ndivo vakadamwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vezviuru pakati paIsiraeri. 17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vakanyorwa mazita avo; 18 Ipapo vakaunganidza ungano yose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, vakarondedzera marudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe. 19 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, akavaverenga murenje reSinai. 20 Vana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vakaverengwa kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, murume mumwe nomumwe wakange ana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 21 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu. 22 Vokuvanakomana vaSimioni, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vakaverengwa kwavari, namazita avo, mumwe nomumwe, murume mumwe nomumwe wakange ana makore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kundorwa; 23 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimioni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu. 24 Vokuvana vaGadhi, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana

makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 25 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. 26 Vokuvana vaJudha, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 27 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu. 28 Vokuvana vaIsakari, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 29 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina namazana mana. 30 Vokuvana vaZebhuruni, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 31 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mana. 32 Vokuvana vaJosefa, ivo vanakomana vaEfuraimu, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 33 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. 34 Vokuvanakomana vaManase, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 35 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri. 36 Vokuvana vaBhenjamini, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 37 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana. 38 Vokuvana vaDhani, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 39 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe. 40 Vokuvana vaAsheri, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 41 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu. 42 Vokuvana vaNafutari, kumarudzi avo nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vakaverengwa namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa; 43 vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook