Skip to main content

Shona - The Book of Nehemiah

Page 1

Nehemia CHITSAUKO 1 1 Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Zvino nomwedzi weKisirevhi, negore ramakumi maviri, ndiri paShushani nhare yamambo; 2 Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu. 3 Vakati kwandiri, Vakasara, vakasiiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuwo aro apiswa nomoto. 4 Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema, ndikatsanya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga; 5 akati: Ndinokukumbirai, Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, anochengeta sungano netsitsi kuna vanomuda vanochengeta mirairo yake; 6Nzeve yenyu zvino ngaiteerere, nameso enyu asvinuke, kuti munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu zvino, masikati nousiku, nokuda kwavana vaIsiraeri varanda venyu, nokureurura zvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; ini neimba yababa vangu takatadza. 7 Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mozisi. 8 Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi, muchiti, Kana imwi mukadarika, ndichakuparadzirai pakati pamarudzi; 9 Asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu, mukaiita; kunyange vamwe venyu vakadzingwa kusvikira kumugumo wedenga, ndichavaunganidza kubva ipapo, ndichavaisa panzvimbo yandakatsaura kugarisa zita rangupo. 10 Zvino ava ndivaranda venyu navanhu venyu, vamakadzikunura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba. 11 Ndinokumbira, Jehovha, nzeve yenyu ngaiteerere munyengetero womuranda wenyu, nomunyengetero wavaranda venyu, vanoda kutya zita renyu; nekuti ini ndakanga ndiri mudiri wamambo; CHITSAUKO 2 1 Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake. 2 Ipapo mambo akati kwandiri, Chiso chako chinopunyairireiko, zvausingarwari? Ichi hachisi chimwe chinhu asi kusuwa kwomwoyo. Ipapo ndakatya zvikuru. 3 ndikati kuna mambo, Mambo ngaararame nokusingaperi! Chiso changu chingaregereiko kupunyaira, kana guta, iro rinamarinda amadzibaba angu, rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto? 4 Ipapo mambo akati kwandiri, Unokumbireiko? Saka ndakanyengetera kuna Mwari wokudenga.

5 ndikati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, ndinokumbira kuti munditume kwaJudha, kuguta ramarinda amadzibaba angu, ndinorivaka. 6 Mambo akati kwandiri (navahosiwo vakanga vagere naye), Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? zvino uchadzoka rinhi? Naizvozvo mambo akatenda kundituma; ndikamutemera nguva. 7 Uyezve ndakati kuna mambo, Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe tsamba dzakanyorerwa vabati vari mhiri korwizi, vandiperekedze kusvikira ndasvika kwaJudha; 8 netsamba kuna Asafi muchengeti wedondo ramambo, kuti andipe matanda okuitira nawo masuwo enhare yeimba, noorusvingo rweguta, noweimba yandichapinda. Ipapo mambo akandiitira izvozvo noruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu. 9 Zvino ndikasvika kuvabati mhiri korwizi, ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni. 10 Zvino Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, vakati vachinzwa, zvikavaodza moyo kwazvo kuti kwakanga kwasvika mumwe munhu kuzotsvaka kuitira vana vaIsiraeri zvakanaka. 11 Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu. 12 Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; uye handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndakatasva. 13 Ndikabuda usiku napasuwo romupata, pamberi petsime rebukanana nesuwo ramarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuwo aro akanga atsva nomoto. 14 Ipapo ndikapfuurira kusvikira pasuwo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasina nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva. 15 Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo, ndikadzoka, ndikapinda napasuwo romupata, ndikadzoka saizvozvo. 16 Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; ndakanga ndisati ndazviudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vaiita basa. 17 Ipapo ndakati kwavari, Munoona nhamo yatiri, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto; uyai, ngativake rusvingo rweJerusaremu, tirege kuzoshorwa. 18 Ipapo ndakavaudza zvokunaka koruoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakataura kwandiri. Ivo vakati, Ngatisimuke, tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo pabasa iri rakanaka. 19 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatisweveredza, nokutininipisa, vakati, Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo here? 20 Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, Mwari wokudenga ndiye achatifambisa zvakanaka; naizvozvo isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imwi hamuna mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Book of Nehemiah by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu