Vatongi CHITSAUKO 1 1 Zvino Joshua wakati afa, vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, vakati, Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundorwa navaKanani? 2 Jehovha akati, Judha ndiye unofanira kuenda; tarira, ndakaisa nyika muruoko rwake. 3 Ipapo Judha akati kuna Simioni mukuru wake, Hendei tose kumugove wangu, tirwe navaKanani; neniwo ndichaenda newe kumugove wako. Naizvozvo Simioni akaenda naye. 4 Judha akaenda; Jehovha akaisa vaKanani navaPerizi mumaoko avo, vakauraya paBhezeki varume vavo vane zviuru zvine gumi. 5 Vakawana Adhoni-bhezeki paBhezeki, vakarwa naye, vakauraya vaKanani navaPerezi. 6 Asi Adhoni-bhezeki wakatiza; vakamutevera, vakamubata, ndokugura magumwe ake namagumwe amakumbo ake. 7 Ipapo Adhoni-bhezeki akati, Madzimambo ana makumi manomwe, akanga agurwa magumwe awo namagumwe amakumbo awo, ainonga zvokudya zvawo pasi petafura yangu; sezvandakaita ini, Mwari wakanditsivawo. Vakamuisa kuJerusarema, uye akafirapo. 8 Zvino vana vaJudha vakarwa neJerusaremu, vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, vakapisa guta nomoto. 9 Pashure vana vaJudha vakaburuka vakandorwa navaKanani, vakanga vagere panyika yamakomo, nezasi nokumupata. 10 Zvino vaJudha vakandorwa navaKanani vakanga vagere Hebhuroni (zvino zita reHebhuroni kare raiva Kiriatiaribha) vakauraya Sheshai, naAhimani, naTarimai. 11 Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare rakanga riri Kiriati-seferi. 12 Karebhu akati, Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake. 13 Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munin'ina waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake. 14 Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake. Karebhu akati kwaari, Unoreveiko? 15 Akati kwaari, Ndipei chipo, nekuti makandipa nyika yezasi; ndipeiwo matsime emvura. Karebhu akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi. 16 Vana vomuKeni, mukarahwa waMozisi, vakakwira vachibva kuguta remichindwe pamwechete navana vaJudha, vakaenda murenje raJudha, riri kurutivi rwezasi rweAradhi; vakaenda vakandogara pakati pavanhu. 17 Judha akaenda naSimioni mukuru wake, vakauraya vaKanani vakanga vagere Zefati, vakariparadza chose. zita reguta ndokunzi Homa. 18 VaJudha ndokukundawo Gaza nenyika yaro, neAshikeroni nenyika yaro, neEkironi nenyika yaro. 19 Jehovha akava naJudha; akadzinga vanhu vakanga vagere mugomo; asi vakanga vasingagoni kudzinga vakanga vagere mumupata, nekuti vakanga vane ngoro dzamatare.
20 Vakapa Karebhu Hebhuroni sezvakanga zvataurwa naMozisi, akadzingapo vana vaAnaki vatatu. 21 Asi vana vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaBhenjamini kusvikira nhasi. 22 Veimba yaJosefa naivo vakakwira vakandorwa neBhetieri, Jehovha akava navo. 23 Veimba yaJosefa vakandoshora Bheti-eri. (Zvino zita reguta kare rainzi Ruzi.) 24 Zvino vashori vakaona murume achibuda muguta, vakati kwaari, Dotiratidza hako panopindwa napo paguta, isu tikunzwirei tsitsi. 25 Zvino akavaratidza panopindwa napo paguta, vakaparadza guta neminondo inopinza; asi vakarega murume nemhuri yake vachienda. 26 Zvino murume uyo akaenda kunyika yavaHeti, akandovaka guta, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kusvikira nhasi. 27 Manase haana kudzinga vanhu vaigara muBheti-sheani nemisha yaro, kana Taanaki nemisha yaro, kana vagari veDhori nemisha yaro, kana vagari veIbhireami nemisha yaro, kana vagari veMegidho nemisha yaro; asi vaKenani vakaramba kugara munyika iyoyo. 28 Zvino vaIsiraeri vakati vasimba, vakabatisa vaKanani basa rechibharo, havana kuvadzinga chose. 29 Efuremu haana kudzingawo vaKanani vakanga vagere Gezeri; asi vaKanani vakagara Gezeri pakati pavo. 30 Zebhuruniwo haana kudzinga vanhu vakanga vagere Kitironi, kana vakanga vagere Naharori; asi vaKanani vakagara pakati pavo, vakava vabati vechibharo. 31 Asheri haana kudzinga vanhu vaigara muAko, kana vakanga vagere Zidhoni, kana Akirabhi, kana Akizibhi, kana Heribha, kana Afiki, kana Rehobhi; 32 Asi vaAsheri vakagara pakati pavaKanani, vakanga vagere munyika iyo; nekuti havana kuvadzinga. 33 Nafutari haana kudzinga vanhu vakanga vagere Bhetishemeshi, kana vakanga vagere Bheti-anati; asi wakagara pakati pavaKanani, vakanga vagere panyika iyo; asi vakanga vagere Bhetishemeshi neBheti-anati vakava vabati vechibharo. 34 VaAmori vakasundira vana vaDhani kumakomo, nekuti havana kuvatendera kuburukira kumupata; 35 Asi vaAmori vakaramba vachida kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaaribhimu, kunyange zvakadaro ruoko rwaveimba yaJosefa rwakakunda, vakava vabati vechibharo. 36 Muganhu wavaAmori wakabva pamukwidzwa weAkirabhimu, kubva padombo, uchikwira. CHITSAUKO 2 1 Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, Ndakakubudisai Egipita, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu; ndikati, Handingatongoputsi sungano yangu nemi. 2 nemwi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere munyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo, asi hamuna kuteerera inzwi rangu; makaitireiko izvozvo? 3 Saka ini ndakatiwo, Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava semhinzwa panhivi dzenyu, navamwari vavo vachava musungo kwamuri.