Skip to main content

Shona - The Book of Joshua

Page 1

Joshua CHITSAUKO 1 1 Zvino Mozisi muranda waJehovha wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi, akati, 2 Mozisi muranda wangu wafa; naizvozvo simuka zvino uyambuke Joridhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana vaIsiraeri. 3 Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMozisi. 4 Kubva murenje neRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu. 5 Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; sezvandaiva naMozisi, ndichava newe; handingakuregi, kana kukusiya. 6 Simba, utsunge moyo, nekuti iwe uchagovera vanhu ava nyika, yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive nhaka yavo. 7 Asi usimbe nokutsunga moyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakarairwa naMozisi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi, kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro kose kwaunoenda. 8 Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako; asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nekuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera. 9 Handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nekuti Jehovha Mwari wako anewe kose kwaunoenda. 10 Joshua akarayira vatariri vavanhu, akati, 11 Pfuurai napakati pehondo, muraire vanhu, muti, Zvigadzirirei mbuva; nekuti mazuva matatu agere kupera muchayambuka Joridhani urwu, kuti mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu. 12 Joshua akaudza vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase, achiti: 13 Rangarirai shoko ramakarairwa naMozisi muranda waJehovha, achiti, Jehovha Mwari wenyu wakakupai zororo, nokukupai nyika iyi. 14 Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMozisi mhiri kwaJoridhani; asi imwi munofanira kupfuura pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, imwi varume vose vane simba noumhare, muvabatsire; 15Kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakakupai, naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu; ipapo muchadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva. 16 Vakapindura Joshua, vakati, Zvose zvamunotiraira tichaita, uye kose kwamuchatituma tichaenda. 17 Sezvataiteerera Mozisi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemi; asi Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMozisi.

18 Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu, pazvose zvamunomuraira, iye anofanira kuurawa; asi simbai henyu, mutsunge moyo. CHITSAUKO 2 1 Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, akati, Endai mundotarira nyika neJeriko. Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo. 2 Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika. 3 Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nekuti vauya kuzoshora nyika yose. 4 Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, Kwakauya varume kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. 5 Zvino nenguva yokupfigwa kwesuwo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakaenda ivo varume, ini handikuzivi; nekuti muchavabata. 6 Asi wakange avakwidza pamusoro pedenga reimba, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga. 7 Varume vakavateverera nenzira inoenda Joridhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suwo rikazarirwa. 8 Zvino vasati vavata, akakwira kwavari padenga; 9 Akati kuvarume, Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, uye kuti kutya kwenyu kwatiwira, uye kuti vanhu vose vagere panyika ino vavhunduka pamberi penyu. 10 Nekuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu nguva yamakabuda Egipita; nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. 11 Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nekuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi. 12 Naizvozvo zvino, pikai kwandiri naJehovha kuti ndakakuitirai tsitsi, kuti nemiwo muchaitira imba yababa vangu tsitsi, mundipe chiratidzo chechokwadi; 13 kuti muchararamisa baba vangu namai vangu, nehanzvadzi dzangu, nehanzvadzi dzangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu bwedu parufu. 14 Ipapo varume vakati kwaari, Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri. Zvino kana Jehovha atipa nyika, tichakuitira tsitsi nechokwadi. 15 Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nekuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakange agere pamusoro porusvingo. 16 Akati kwavari, Endai kugomo, kuti vateveri verege kusangana nemi; muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; ipapo mungaenda henyu. 17 Ipapo varume vakati kwaari, Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. 18 Tarira, kana tasvika panyika, unofanira kusungira rwonzi urwu dzvuku pahwindo pawakatiburusira napo, uuye nababa vako namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako kumba kwako.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Book of Joshua by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu