Ezra CHITSAUKO 1 1 Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePezhia, kuti shoko raJehovha rakasvika pamuromo waJeremiya rizadziswe, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti, 2 Zvanzi naKoreshi, mambo wePerisia, Jehovha, Mwari wokudenga, akandipa ushe hwose bwenyika; Iye akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. 3 Ndianiko pakati penyu wavanhu vake vose? Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, ndiye Mwari, paJerusaremu. 4 Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsirwe nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri Jerusaremu. 5 Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakasimuka, navapristi, navaRevhi, navose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu. 6 Zvino vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomoyo wavo. 7 Naiye mambo Koreshi akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa paimba yamwari wake; 8 Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wefuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha. 9 Zvino uku ndiko kuwanda kwayo: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, ndiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, nemapanga makumi maviri nepfumbamwe; 10 nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe. 11 Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvi zvose Sheshibhazari akaenda nazvo pamwe chete navatapwa vakabva Bhabhironi vachienda Jerusarema. CHITSAUKO 2 1 Zvino ava ndivo vana vorutivi rwenyika vakakwira vachibva pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakaiswa Bhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake; 2 ivo vakauya naZerubhabheri: Jeshua, naNehemiya, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavaIsraeri: 3 Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri. 4 Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
5 Vana vaAra, mazana manomwe namakumi manomwe navashanu. 6 Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri. 7 Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. 8 Vana vaZatu, mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu. 9 Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu. 10 Vana vaBhani, mazana matanhatu namakumi mana navaviri. 11 Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navatatu. 12 Vana vaAzigadhi, chiuru chimwe namazana maviri namakumi maviri navaviri. 13 Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu. 14 Vana vaBhigivhai, zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu. 15 Vana vaAdhini, mazana mana namakumi mashanu navana. 16 Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere. 17 Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navatatu. 18 Vana vaJora, zana negumi navaviri. 19 Vana vaHashumi, mazana maviri namakumi maviri navatatu. 20 Vana veGibhari, makumi mapfumbamwe navashanu. 21 Vana VeBheterehemu, zana namakumi maviri navatatu. 22 Varume veNetofa, makumi mashanu navatanhatu. 23 Varume veAnatoti, zana namakumi maviri navasere. 24 Vana veAzimavheti, makumi mana navaviri. 25 Vana veKiriatirimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu. 26 Vana veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe. 27 Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri. 28 Varume veBhetieri neAi, mazana maviri namakumi maviri navatatu. 29 Vana veNebho, makumi mashanu navaviri. 30 Vana veMagibhishi, zana namakumi mashanu navatanhatu. 31 Vana voumwe Erami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. 32 Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri. 33 Vana veRodhi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri navashanu. 34 Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu. 35 Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu. 36 Vapristi vakanga vari, vana vaJedhaya, weimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu. 37 Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri. 38 Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe. 39 Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe. 40 VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua, naKadhimieri, vavana vaHodhavhia, makumi manomwe navana.