Ekisodho CHITSAUKO 1 1 Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Egipita; murume mumwe nomumwe neimba yake vakauya naJakobho. 2 Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha; 3 Isakari, Zebhuruni, naBhenjamini; 4 naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri. 5 Zvino vanhu vose vakanga vabuda muchiuno chaJakove vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; nekuti Josefa akanga atova Egipita. 6 Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, norudzi urwo rwose. 7 Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; uye nyika yakanga izere navo. 8 Zvino paEgipitati pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa. 9 Akati kuvanhu vake, Tarirai, vanhu vavana vaIsiraeri vanotipfuura isu pakuwanda nesimba; 10 Uyai, ngativabate nokuchenjera; kuti varege kuwanda, zvino kana kurwa kukazomuka, vangabatanidza vavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino. 11 Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta efuma, Pitomi neRamesesi. 12 Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda, nokukura; vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri. 13 VaEgipita vakabatisa vana vaIsiraeri basa rakaoma; 14 Vakashungurudza upenyu hwavo neuranda hwakaoma pavhu nezvitina, nepabasa rose remunda; basa ravo rose ravakavabata naro raiva rakaoma. 15 Mambo weEgipita akataura nanyamukuta vaHebheru, zita romumwe rainzi Shifira, nezita romumwe Pua; 16 akati, Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru, muchivaona vari panhovo; kana ari mwanakomana, mumuuraye; asi kana ari mwanasikana, ngaararame. 17 Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvavakanga varairwa namambo weEgipita, asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo. 18 Ipapo mambo weEgipita akadana madzimbuya, akati kwavari, Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu? 19 Madzimbuya akati kuna Farao, nekuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaEgipita; Vananyamukuta vasati vasvika kwavari, vachiri vapenyu. 20 Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo. 21 Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa dzimba. 22 Farao akaraira vanhu vake vose, akati, Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vanasikana vose muvarege vari vapenyu havo. CHITSAUKO 2 1 Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukunda wavaRevhi.
2 Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana, akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu. 3 Zvino akati asisagoni kumuvanza, akamutorera areka yenhokwe, akainaka nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo. akariisa pamureza pamahombekombe erwizi. 4 Hanzvadzi yake ikandomira kure, kuti azive zvichaitwa naye. 5 Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi; vasikana vake vakafamba pamahombekombe erwizi; akaona areka pakati pemireza, akatuma murandakadzi wake kundoitora. 6 Akarizarura, akaona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira tsitsi, akati, Ndomumwe wavana vavaHebheru. 7 Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here? 8 Mukunda waFarao akati kwaari, Enda. Musikana akaenda akandodana mai vomwana. 9 Mukunda waFarao akati kwaari, Tora mwana uyu, undimwisire, ndigokupa mubairo wako. Mukadzi akatora mwana, akayamwisa. 10 Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake. Akatumidza zita rake kuti Mozisi, akati, Nokuti, ndamunyukura mumvura. 11 Zvino namazuva iwayo Mozisi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muEgipita achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. 12 Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muEgipita, akamuviga mujecha. 13 Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vavaHebheru vachirwa; akati kune wakange ane mhosva, Unorovereiko mumwe wako? 14 Iye akati, Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya muEgipita here? Mozisi akatya, akati, Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikamwa. 15 Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi akatiza pamberi paFarao, akandogara munyika yeMidhiani, akagara pasi patsime. 16 Zvino mupristi weMidhiani wakange ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvimwiro, kuti vamwise makwai ababa vavo. 17 Vafudzi vakauya, vakavadzinga, asi Mozisi akasimuka, akavabatsira, akamwisa makwai avo. 18 Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, Makurumidza kudzoka seiko nhasi? 19 Vakati, MuEgipita akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akamwisa makwai. 20 Akati kuvakunda vake, Zvino aripi? Sei masiya munhu? mudane kuti adye chingwa. 21 Mozisi akatenda kugara nomunhu uyo, akapa Mozisi mukunda wake Zipora. 22 Akamuberekera mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nekuti akati, Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe. 23 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weEgipita akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kouranda. 24 Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakove.