Skip to main content

Shona - The Book of Ecclesiastes

Page 1

Muparidzi CHITSAUKO 1 1 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu. 2 Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose; zvose hazvina maturo. 3 Munhu anobatsirwei nokubata kwake kose kwaanobata pasi pezuva? 4 Rudzi rumwe runoenda, uye rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi. 5 Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve. 6 Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichitenderera, uye mhepo inodzokerazve pakutenderera kwayo. 7 Nzizi dzose dzinodira mugungwa; kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve. 8 Zvinhu zvose zvizere nokuneta; munhu haangazvitauri; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa. 9 Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo; chakamboitwa, ndicho chichazoitwa, hapane chinhu chitsva pasi pezuva. 10 Chinhu chiriko here, chatingati, Tarirai, chinhu ichi chitvsa? Yakanga iripo kare kare, iyo yakatitangira. 11 Zvinhu zvakare hazvirangarirwi; uye hazvingarangarirwi zvinozouya kune vanozotevera. 12 Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu. 13 Ndikarwadza moyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza iro Mwari raakapa vanakomana vavanhu kuti vazvitambudze naro. 14 Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; zvino tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete. 15 Chakakombama hachibviri kururamiswa; uye chisipo hachibviri kuverengwa. 16 Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, Tarira, ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo. 17 Ndikatendera moyo wangu kuti ndizive uchenjeri, nokuziva, noupengo noupenzi; ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo chete. 18 nekuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu. CHITSAUKO 2 1 Ndakati mumoyo mangu, uya zvino, ndichakuidza nomufaro, chifarira zvinhu zvakanaka; asi tarira, naizvozvowo hazvina maturo. 2 Kana kuri kuseka, ndakati, Upengo! Kana uri mufaro, ndakati, Unoiteiko? 3 Ndakatsvaka mumoyo mangu kuti ndinwe waini, asi ndakadzidzisa moyo wangu uchenjeri; uye kuti vabate upenzi, kusvikira ndaona kuti zvakanaka zvakadini kuvana vavanhu zvavanofanira kuita pasi pedenga mazuva ose oupenyu hwavo.

4 Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvirimira minda yemizambiringa; 5 ndakazviitira minda neminda yemichero, ndikasimamo miti inobereka michero yamarudzi ose; 6 ndakazviitira madziva emvura, kuti ndidiridze matanda anobudisa miti; 7 ndakatenga varanda navarandakadzi, ndikava navaranda vakaberekerwa mumba mangu; ndakanga ndine fuma zhinji yemombe nemakwai, kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; 8 ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, nefuma yamadzimambo neyenyika; ndakazviwanira vaimbi varume navaimbi vechikadzi, nezvinofadza zvavanakomana vavanhu, zvive zvinoridzwa, nemarudzi ose. 9 Saizvozvo ndakanga ndiri munhu mukuru, ndikaramba ndichikura kupfuura vose vakanditangira paJerusaremu; uye huchenjeri hwangu hwakagara neni. 10 Zvose zvakadikamwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora moyo wangu pamufaro upi noupi; nekuti moyo wangu wakange uchifara nokubata kwangu kose; ndiwo wakange uri mugove wangu pakubata kwangu kose. 11 Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kose kwandakatambura kubata tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo chete, kwakanga kusine chinhu chinobatsira pasi pezuva. 12 Zvino ndakatendeuka kuti ndicherekedze uchenjeri, noupengo, noupenzi, nekuti chinyi chingaitwa nomunhu unotevera mambo? kunyange izvo zvakatoitwa. 13 Ipapo ndakaona kuti, Uchenjeri hwakanaka kupfuura upenzi, zvichiita sechiedza chakanaka kupfuura rima. 14 Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make; asi benzi rinofamba murima; ndakaona kuti vose vanowirwa nechinhu chimwe chete. 15 Ipapo ndakati mumoyo mangu, Sezvinoitirwa benzi, ndizvo zvandichaitirwa neniwo; zvino ini ndakanga ndakachenjera nei? Ndikati mumoyo mangu, izviwo hazvina maturo. 16 nekuti akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa nokusingaperi; nekuti izvo zvazvino pamazuva anouya zvichakanganikwa zvose. Asi munhu akachenjera anofa seiko? sebenzi. 17 Saka ndakavenga upenyu; nekuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandinzwisa shungu; nekuti zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo chete. 18 Zvino ndakavenga kubata kwangu kose kwandakatambura kubata pasi pezuva, zvandinofanira kuzvisiira munhu anonditevera. 19 Zvino ndiani angaziva kana iye achava akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata, nezvandakaita nouchenjeri pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo. 20 Saka ndakatendeuka, kuti ndiodze hangu moyo wangu pamusoro pokubata kwangu kose kwandakatambura kubata pasi pezuva. 21 nekuti munhu ariko akabata nouchenjeri nezivo noumhizha; kunyange zvakadaro anofanira kuzvisiira mumwe, uve mugove wake,asina kutongozvitamburira. Naizvozvowo hazvina maturo, chinhu chakaipa chikuru.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - The Book of Ecclesiastes by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu