Dhuteronomi CHITSAUKO 1 1 Ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsiraeri vose mhiri kwaJoridhani murenje, muMupata pakatarisana neGungwa Dzvuku, pakati peParani, neToferi, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi. 2 (Kubva paHorebhu nenzira yokuGomo reSeiri kusvikira kuKadheshi-bharinea, kure nemazuva gumi nerimwe.) 3 Zvino negore ramakumi mana, nomwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mozisi akataura navana vaIsiraeri zvose zvaakanga arairwa naJehovha kwavari; 4 Shure kwokunge auraya Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, aigara paAsitaroti paEdhirei. 5 Mozisi akatanga kuzivisa murayiro uyu, ari mhiri kwaJodhani, munyika yaMoabhu, achiti: 6 Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, Magara nguva yakaringana pagomo iri. 7 Dzokai, mufambe, muende kugomo revaAmori, nokunzvimbo dzose dziri pedyo naro, mubani, mumakomo, nomumapani, nezasi, nokurutivi rwegungwa, kunyika yavaKenani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi. 8 Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, Abhurahamu, naIsaka, naJakove, kuti vachaipa ivo navana vavo vanovatevera. 9 Nenguva iyo ndakataura kwamuri, ndikati, Handigoni kukutakurai ndiri ndoga; 10 Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyeredzi dzokudenga pakuwanda kwenyu. 11 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika, akuropafadzei sezvaakakupikirai. 12 Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu? 13 Zvitorerei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikamwa pakati pamarudzi enyu, ndivaite vabati venyu. 14 Mukandipindura, mukati, Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite. 15 Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakazikamwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vegumi, navatariri kumarudzi enyu. 16 Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye. 17 Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; asi munofanira kuteerera muduku nomukuru; hamungatyi munhu; nekuti kutonga ndokwaMwari; kana mhosva inokuomerai, muuye nayo kwandiri, ndiinzwe. 18 Nenguva iyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita. 19 Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo avaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi-bharinea.
20 Ndikati kwamuri, Masvika panyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. 21 Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kupera simba. 22 Ipapo maswedera kwandiri, mumwe nomumwe, mukati, Tichatuma varume pamberi pedu, ivo vagotishora nyika, vagodzoka kuzotiudzazve nzira yatingakwira nayo, namaguta atichandosvika nawo. 23 Shoko iro rakandifadza, ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, mumwe kurudzi rumwe norumwe. 24 Ivo vakatendeuka, vakakwira mugomo, vakasvika kumupata weEshikori, vakaishora. 25 Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu. 26 Kunyange zvakadaro makaramba kukwira, asi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu; 27 Mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, Jehovha wakativenga, ndiye wakatibudisa munyika yeEgipita, kuti atiise mumaoko avaAmori, vatiparadze. 28 Tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa moyo yedu, dzichiti, Vanhu avo vanotipfuura nokukura nokureba; maguta makuru, ane masvingo anosvika kudenga; uye takaonapo vana vaAnaki. 29 Ipapo ini ndakati kwamuri, Musavhunduka henyu, kana kuvatya. 30 Jehovha Mwari wenyu, unokutungamirirai, ndiye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paEgipita, pamberi penyu; 31 nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwanakomana wake, panzira dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara masvika panzvimbo iyi. 32 Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu; 33 iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati. 34 Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, akati, 35 Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume ava vorudzi urwu rwakashata achaona nyika iyo yakanaka, yandakapikira madzibaba enyu kuti ndiipe; 36 kunze kwaKarebhu, mwanakomana waJefune; iye achazviona, uye ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nekuti wakatevera Jehovha nomoyo wake wose. 37 Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu, akati, Newewo haungapindi ikoko; 38 Asi Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nekuti ndiye uchagarisa vaIsiraeri nhaka yavo. 39 Uyezve vaduku venyu, vamakati vachatapwa, navana venyu vasina kuziva nezuva iro zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko, ndichavapa iyo, ive yavo. 40 Asi kana murimwi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku. 41 Ipapo imi mukapindura, mukati kwandiri, Takatadzira Jehovha, tichakwira tichindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu. Zvino makashonga mumwe