2 Samueri CHITSAUKO 1 1 Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi; 2 Zvino nezuva retatu mumwe murume akabuda kubva kumusasa kubva kuna Sauro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane ivhu pamusoro wake; zvino wakati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akagwadama. 3 Dhavhidhi akati kwaari, Wabvepiko? Iye akati kwaari, Ndapukunyuka pamisasa yaIsiraeri. 4 Dhavhidhi akati kwaari, Kwakadiniko? dondiudza hako. Akapindura, akati, Vanhu vatiza pakurwa, uye vanhu vazhinji vawira pasi vafa; Sauro naJonatani mwanakomana wake vakafawo. 5 Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo? 6 Jaya rakamuudza rikati, Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake; zvino tarira, ngoro navatasvi vamabhiza vakamutevera kwazvo. 7 Iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, Ndiri pano hangu. 8 Akati kwandiri, Ndiwe aniko? Ndikamupindura ndikati, Ndiri muAmareki. 9 Akatizve kwandiri, Mira hako pamusoro pangu, undiuraye, nekuti ndabatwa nokurwadziwa, nekuti upenyu hwangu huchiri mandiri. 10 Ipapo ndikamira pamusoro pake, ndikamuuraya, nekuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haaizoraramazve kana awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kuna ishe wangu. 11 Ipapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura; saizvozvowo nevarume vose vaiva naye. 12 Vakachema, nokuchema misodzi, nokutsanya kusvikira madekwana pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri; nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo. 13 Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, Uri wepiko? Iye akapindura, akati, Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki. 14 Dhavhidhi akati kwaari, Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha? 15 Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya, akati, Swedera, umuuraye. Iye akamurova kusvikira afa. 16 Dhavhidhi akati kwaari, Ropa rako ngarive pamusoro wako; nekuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, Ndakauraya muzodzwa waJehovha. 17 Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku. 18 Akavarairawo kudzidzisa vana vaJudha basa routa; tarirai, zvakanyorwa mubhuku yaJasheri. 19 Kunaka kwaIsiraeri kwaurawa pamatunhu enyu akakwirira! Haiwa, vane simba vakawira pasi sei! 20 Musazvireva paGati, kana kuzviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda vavasina kudzingiswa varege kupembera.
21 Imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova, kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo; nekuti ndipo pakarashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta. 22 Kubva muropa revakaurayiwa, kubva mumafuta emhare, Uta hwaJonatani hahuna kudzoka, uye munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa. 23 Sauro naJonatani vakanga vakadikamwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; vaimhanya kupfuura makondo, vaiva nesimba kupfuura shumba. 24 Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu. 25 Haiwa vane simba vawira pasi sei pakurwa! Iwe Jonatani, wakaurawa pamatunhu ako akakwirira. 26 Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani munin'ina wangu; wakange uchindifadza kwazvo; rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaipfuura rudo rwavakadzi. 27 Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei! CHITSAUKO 2 1 Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, Ndokwira kune rimwe guta raJudha here? Jehovha akati kwaari, Kwira. Dhavhidhi akati, Ndoendepiko? Akati, KuHebhuroni. 2 Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vanaAhinowami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari, muKarimeri. 3 Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaakanga anavo, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni. 4 Varume vaJudha vakasvika, vakazodzapo Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino vakaudza Dhavhidhi, vakati, Varume veJabheshi-Giriyadhi ndivo vakaviga Sauro. 5 Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume veJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, Imi muropafadzwe naJehovha, zvamaitira ishe wenyu Sauro zvakanaka, mukamuviga. 6 Zvino Jehovha ngaakuitirei zvakanaka nechokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita chinhu ichi. 7 Naizvozvo zvino maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare, nekuti Sauro tenzi wenyu wakafa, uye veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo. 8 Asi Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akatora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu; 9 akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, napamusoro peJezereeri, napamusoro paEfuremu, napamusoro paBhenjamini, napamusoro paIsiraeri vose. 10 Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakange ava namakore makumi mana pakutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri. Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi. 11 Nguva yakabata Dhavhidhi ushe bweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu. 12 Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda vaIshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhiyoni. 13 Ipapo Joabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabuda, vakandosangana pamwechete