Skip to main content

Shona - The Book of 2nd Kings

Page 1

2 Madzimambo CHITSAUKO 1 1 Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kokufa kwaAhabhi. 2 Ahazia akawira pasi napahwindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara, akatuma nhume, akati kwavari, Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku. 3 Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, Simuka, ukwire undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, Hakuna Mwari here pakati paIsiraeri, zvamunoenda kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi? 4 Naizvozvo zvanzi naJehovha, Pamubhedha wawakwira, haungaburukizve, asi zvirokwazvo uchafa. Eria akaenda. 5 Zvino nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, Madzokereiko? 6 Vakati kwaari: “Mumwe murume akakwira kuzosangana nesu, akati kwatiri, ‘Endai, mudzokere kuna mambo akakutumai, muti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, ‘Imhaka yokuti hakuna Mwari here pakati paIsraeri, zvokuti unotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhu, mwari weEkironi? naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. 7 Akati kwavari, Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko iwayo, wakange akadiniko? 8 Vakamupindura vakati, wakange ari murume ane mvere, akazvisunga chiuno chake nebhanhire reganda. Iye akati, NdiEria muTishibhi. 9 Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Iye akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, Burukai. 10 Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto wakaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu. 11 Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, kurumidzai kuburuka. 12 Eria akapindura, akati kwavari, Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu. Ipapo moto waMwari wakaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu. 13 Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino mukuru wechitatu wavana makumi mashanu akakwira, akawira pasi namabvi ake pamberi paEria, akamunyengetera, akati kwaari, Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwavaranda venyu ava vana makumi mashanu ngahuve hunokosha pamberi penyu. 14 Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.

15 Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, Buruka naye, usamutya hako. Akasimuka, akaburuka naye kuna mambo. 16 Akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, waungabvunza shoko rake? naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa. 17 Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, negore rechipiri raJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti akanga asina mwanakomana. 18 Zvino mamwe mabasa aAhazia aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? CHITSAUKO 2 1 Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari. 2 Eria akati kuna Erisha, Iwe chigara pano; nekuti Jehovha wakandituma Bhetieri. Erisha akati kwaari, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Naizvozvo vakaburukira kuBheteri. 3 Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akati, Hongu, ndinozviziva; Nyararai. 4 Eria akati kwaari, Erisha, iwe chigara pano; nekuti Jehovha wakandituma Jeriko. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Naizvozvo vakasvika Jeriko. 5 Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi? Iye akapindura, akati, Hongu, ndinozviziva; Nyararai. 6 Eria akati kwaari, Iwe chigara pano; nekuti Jehovha wakandituma kwaJoridhani. Iye akati, NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiiyi. Vakaenderera mberi vari vaviri. 7 Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vaviri vakamira paJoridhani. 8 Eria akatora jasi rake, akaripeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma. 9 Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri. Erisha akati, Ndinokumbira kuti migove miviri yomweya wenyu ngauve pamusoro pangu. 10 Akati, Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana zvisakadaro, hazvingadaro. 11 Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri. 12 Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo! Uye haana kuzomuonazve; akabata nguvo dzake, akadzibvarura napakati.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook