Skip to main content

Shona - The Book of 1st Kings

Page 1

1 Madzimambo CHITSAUKO 1 1 Zvino mambo Dhavhidhi wakange akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza nenguvo, asi haana kudziyirwa. 2 Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara; ngaimire pamberi pamambo, imuchengete, ivate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo adziyirwe. 3 Naizvozvo vakatsvaka musikana wakanaka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo. 4 Musikana uyu akanga akanaka kwazvo, akachengeta mambo, akamushandira, asi mambo haana kumuziva. 5 Ipapo Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndichava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake. 6 Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwose, vachiti, Waitireiko kudaro? wakange ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; mai vake vakamubereka vachitevera Abhusaromu. 7 Akarangana naJoabhu, mwanakomana waZeruya, naAbhiatari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira. 8 Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, havana kutevera Adhonia. 9 Adhonia akabaya makwai nenzombe nemhuru dzakakora padombo reZohereti, raiva paEnirogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vamambo; 10 asi Natani muporofita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munin'ina wake, haana kudana. 11 Ipapo Natani akataura naBhatishebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanakomana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhidhi ishe wedu haazvizivi? 12 Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu hwako noupenyu hwomwanakomana wako Soromoni. 13 Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro changu choushe? zvino Adhonia unobatireiko ushe? 14 Tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndichapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako. 15 Bhati-shebha akapinda kuna mambo mumba; Abhishagi muShunami waibatira mambo. 16 Ipapo Bhati-shebha akakotama, akanamata kuna mambo. Mambo akati, Unoreveiko? 17 Iye akati kwaari, Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJehovha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, ndiye uchagara pachigaro changu choushe. 18 Zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; zvino ishe wangu mambo, imwi hamuzvizivi;

19 Iye wabaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu. 20 Zvino ishe wangu mambo, meso avaIsiraeri vose akatarisa kwamuri, kuti muvaudze kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo. 21 Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzibaba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi. 22 Zvino tarira, wakati achataura namambo, muporofita Natani akapindawo. 23 Vakaudza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Akati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo. 24 Natani akati, Ishe wangu mambo, mareva here kuti Adhonia uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe? 25 nekuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vanodya nokumwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame! 26 Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana. 27 Chinhu ichi chakaitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa muranda wenyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo? 28 Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda pamberi pamambo, akamira pamberi pamambo. 29 Mambo akapika ndokuti: NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura mweya wangu pakutambudzika kose; 30 sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; ndizvo zvandichaita nhasi chaiye. 31 Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kuna mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi. 32 Ipapo mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakauya pamberi pamambo. 33 Mambo akatiwo kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni; 34 Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodzepo ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame nokusingaperi! 35 Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe; nekuti uchava mambo pachinzvimbo changu; ndakamugadza ave mubati waIsiraeri napamusoro paJudha. 36 Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo. 37 Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook