Rwiyo rwaSoromoni CHITSAUKO 1 1 Rwiyo rwenziyo, rwaSoromoni. 2 Ngaanditsvode nokutsvoda komuromo wake; nekuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini. 3 Zvizoro zvako zvinonhuhwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda. 4 Ndikwevere, tichakutevera tichimhanya; mambo wakandipinza mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarirai zvikuru; Ticharangarira rudo rwenyu kupfuura waini; Vakarurama vanokudai. 5 Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, imwi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni. 6 Musanditarira, zvandakasviba, nekuti zuva rakandiona; Vana vamai vangu vakanditsamwira; vakandiita murindi weminda yemizambiringa; asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta. 7 Ndiudze iwe, unodikamwa nomweya wangu, kwaunofudza makwai ako, Kuti unozorodza makwai ako kupi masikati; 8 Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi. 9 Ndakakufananidzira iwe, mudiwa wangu, nebhiza pakati pengoro dzaFarao. 10 Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvishongo zvendarama. 11 Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha. 12 Nguva yose mambo agere patafura yake, nadho yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo. 13 Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura; uchavata pakati pamazamu angu usiku hwose. 14 Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi. 15 Tarira, wakanaka, shamwari yangu; tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva. 16 Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato bwedu ndipo pabumhudza. 17 Matanda eimba yedu ndeomusidhari, namatanda emisipiresi. CHITSAUKO 2 1 Ndiri ruva rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani. 2 Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda. 3 Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru, uye zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukamwa mangu. 4 Akandiisa kuimba yomutambo, Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo. 5 Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; nekuti ndinorwara norudo. 6 Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira. 7 Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege
kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. 8 Inzwi romudiwa wangu! tarirai, wouya, achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo. 9 Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu, Anotarira napamahwindo; 10 Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya! 11 Nokuti, tarira, chando chaenda, mvura yapera, yaenda; 12 Maruva aonekwa panyika; nguva yokurira kweshiri yasvika, nenzwi renjiva rinonzwika panyika yedu; 13 Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya! 14 Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndiratidze chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; nekuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chakanaka. 15 Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira mizambiringa; nekuti mizambiringa yedu yotunga mazambiringa manyoro. 16 Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo. 17 Kusvikira utonga hwotsvuka, nemimvuri yotiza, tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri. CHITSAUKO 3 1 Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. 2 Ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo ndichatsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. 3 Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikamwa nomweya wangu here? 4 Kwakanguva duku ndikabva kwavari, ndikawana iye anodikamwa nomweya wangu; 5 Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. 6 Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuhwira nemura nezvinonhuhwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi? 7 Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri. 8 Vose vakabata minondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, nokuda kwezvinotyisa usiku. 9 Mambo Soromoni akazviitira ngoro yamatanda eRebhanoni; 10 Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, chigaro chacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu. 11 Budai, imwi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.