Mufananidzo weMukushi Mateo 13:1-23 1 Nezuva iroro Jesu akabuda mumba, akagara pagungwa. 2 Vanhu vazhinji vakaungana kwaari, zvekuti akapinda muchikepe, akagara pasi; vanhu vose vakamira pamhenderekedzo. 3 Akavataurira zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kundokusha; 4 Zvino paakadyara, dzimwe mbeu dzakawira padivi penzira, shiri dzikauya dzikaidya. 5 Dzimwe dzakawira panzvimbo dzine matombo, padzakanga dzisina ivhu rakawanda; dzikamera pakarepo, nekuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. 6 Zuva rakati rabuda, dzakatsva, uye dzakaoma nekuti dzakanga dzisina midzi. 7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura, ikadzivhunga. 8 Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka zvibereko, dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu. 9 Uyo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. 10 Vadzidzi vakauya kwaari, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo? 11 Akapindura akati kwavari: Nokuti makapiwa imi kuziva zvakavanzika zvoumambo hwokudenga, asi ivo havana kupiwa. 12 Nokuti ani naani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo. 13 Saka ndinotaura kwavari nemifananidzo: nekuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi. 14 Uye uprofita hwaIsaya hunozadziswa kwavari hunoti: Nekunzwa muchanzwa asi hamunganzwisisi; uye nekuona muchaona asi hamungaonesesi. 15 Nokuti mwoyo yevanhu ava yava mikukutu, nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, uye vakavhara maziso avo, kuti varege kuona nemaziso avo, nekunzwa nenzeve dzavo, nekunzwisisa nemoyo yavo, nekutendeuka, ndikavaporesa. 16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
1
17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye kunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa. 18 Naizvozvo inzwai mufananidzo wemukushi. 19 Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya otora chakadyarwa mumoyo make. Uyu ndiye akadyarwa panzira. 20 Asi uyo akadyarwa panzvimbo dzine matombo, ndiye anonzwa shoko, obva arigamuchira nemufaro; 21 Asi haana midzi maari, asi anogara kwenguva pfupi; kana kutambudzika kana kutambudzwa zvikaitika nekuda kweshoko, anobva agumburwa pakarepo. 22 Iyewo akagamuchira mbeu pakati peminzwa ndiye anonzwa shoko; asi kufunganya kwenyika ino, nekunyengera kwepfuma, zvinovhunga shoko, uye haribereki zvibereko. 23 Asi uyo akagamuchira mbeu yakadyarwa muvhu rakanaka ndiye anonzwa shoko, orinzwisisa, uye anoberekawo michero, obereka, imwe zana, imwe makumi matanhatu, imwe makumi matatu.
Mako 4:1-20 1 Zvino akatangazve kudzidzisa pagungwa; vanhu vazhinji vakaungana kwaari, zvekuti wakapinda muchikepe, akagara mugungwa; uye vanhu vose vaiva pagungwa panyika. 2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari pakudzidzisa kwake: 3 Teererai; tarirai, mudyari akabuda kundodyara; 4 Zvino zvakaitika paakanga achidyara, imwe yakawira parutivi penzira, shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya. 5 Dzimwe dzakawira panzvimbo dzine matombo, padzakanga dzisina ivhu rakawanda; pakarepo dzakamera, nekuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. 6 Asi zuva rakati rabuda, yakatsva, uye nekuti yakanga isina midzi, yakasvava. 7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura, ikaivhunga, ikasabereka zvibereko. 8 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka michero yakakura, dzikabereka michero makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana. 9 Akati kwavari: Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. 10 Zvino wakati ava oga, vakanga vakamukomba pamwe chete navanegumi navaviri vakamubvunza mufananidzo uyu. 11 Akati kwavari, “Imi makapiwa kuziva chakavanzika choumambo hwaMwari, asi kune vari kunze, zvinhu zvose izvi zvinoitwa nemifananidzo. 12 kuti vachiona vaone asi varege kuona, vachinzwa vanzwe asi varege kunzwisisa, kuti varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi zvavo. 13 Akati kwavari, Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose? 14 Mudyari anodyara shoko. 15 Zvino ava ndivo vari panzira, panokushwa shoko; asi kana vanzwa, Satani anouya pakarepo, obvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo. 16 Uye ava ndivo vakadyarwa pamatombo, vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira pakarepo nemufaro; 17 Asi havana midzi mavari, asi vanogara kwenguva pfupi chete; pashure, kana kutambudzika kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, vanokurumidza kugumburwa. 18 Uye ava ndivo vanodyarwa pakati peminzwa, vanonzwa shoko, 19 Zvino kufunganya kwenyika ino, nekunyengera kwepfuma, neruchiva rwezvimwe zvinhu zvinopinda, zvinovhunga shoko, risingabereki zvibereko. 20 Zvino ava ndivo vakadyarwa muvhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, vobereka zvibereko, vamwe makumi matatu, vamwe makumi matanhatu, vamwe zana.
2
Ruka 8:4-15 4 Zvino vanhu vazhinji vakati vaungana, vachibva kumaguta ose vachiuya kwaari, akataura nomufananidzo achiti: 5 Mudyari akabuda kundodyara mbeu yake; uye paakanga achidyara, imwe yakawira padivi penzira, ikatsikwa-tsikwa, shiri dzedenga dzikaidya. 6 Dzimwe dzakawira padombo, uye padzakamera, dzakaoma nekuti dzakanga dzisina unyoro. 7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nadzo, ikadzivhunga. 8 Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvine zana. Akati ataura izvi, akadanidzira achiti, “ Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” 9 Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, Mufananidzo uyu ungave wei? 10 Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari, asi vamwe vanopiwa nemifananidzo, kuti vachiona varege kuona, uye vachinzwa varege kunzwisisa.” 11 Zvino mufananidzo ndiwo uyu: Mbeu ishoko raMwari. 12 Vaya vari panzira ndivo vanonzwa, uye dhiabhorosi anouya obvisa shoko mumwoyo yavo, kuti varege kutenda uye vaponeswe. 13 Vaya vari padombo ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanogamuchira nomufaro; asi havana midzi, vanotenda kwenguva pfupi, asi panguva yekuedzwa vanowa. 14 Uye dzakawira pakati peminzwa ndivo vaya, kana vanzwa, vanoenda, vovhungwa nekufunganya nepfuma nemafaro ehupenyu huno, vasingabereki zvibereko. 15 Asi dziri muvhu rakanaka ndeavo, vanonzwa shoko nemoyo wakarurama uye wakanaka, vanorichengeta, uye vanobereka zvibereko nekutsungirira.
3