Skip to main content

Shona - Dangers of Wine

Page 1

Zvino wakamwa waini, akadhakwa; akazvifukura pakati petende rake. Zvino Nowa wakamuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nemwanakomana wake muduku. Genesi 9:21, 24 Roti akakwira achibuda muZoari, akagara mugomo, navakunda vake vaviri pamwechete naye; nekuti akanga achitya kugara paZoari; akagara mubako, iye navakunda vake vaviri. Zvino dangwe rakati kumuduku: Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume panyika pano ungapinda kwatiri, nemutowo wenyika yose; uya timwise baba vedu waini, tivate navo. kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu. Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwo, dangwe ndokupinda ndokuvata nababa vake; iye haana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake. Zvino fume mangwana dangwe akati kumuduku, Tarira, ndakavata nababa vangu usiku hwazuro; ngativamwise waini usiku hunowo; ugopinda uvate naye kuti tichengete mbeu kubva kuna baba vedu. Vakamwisa baba vavo waini usiku ihwohwowo, muduku akasimuka, ndokuvata navo; iye haana kuziva pakuvata kwake pasi kana pakumuka kwake. Genesi 19:30-35 Jehovha akataura naAroni, akati, Regai kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, iwe, navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose. Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka; munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi. Revhitiko 10:811 Jehovha akataura naMozisi, akati, Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana murume kana mukadzi akazvitsaura, nokupika mhiko yomuNaziri, kuti azvitsaure kuna Jehovha, anofanira kuzvibvisa pawaini. uye haafaniri kumwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kumwa muto wemizambiringa, kana kudya mazambiringa manyoro, kana akaomeswa. Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvikira pamateko. Numeri 6:1-4 Asi wakati kwandiri, Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka; nekuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake. Vatongi 13:7 Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake. Zvino Hana wakataura mumoyo make; miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; naizvozvo Eri wakafunga kuti wadhakwa. Eri akati kwaari, Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? bvisa waini yako kwauri. Hana akapindura akati, Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kumwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha. 1 Samueri 1:12-15 Abhigairi akasvika kuna Nabhari; tarira, akanga ari kumutambo mumba make, wakange wakafanana nomutambo wamambo; moyo waNabhari wakange wakafara mukati make, nekuti wakange akabatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana koedza. Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.

Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa. 1 Samueri 25:36-38 Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, Urayai Amunoni! ipapo mumuuraye, musatya henyu; handina kukurairai here? tsungai, muve mhare. 2 Samueri 13:28 Makaisa mufaro mumoyo mangu, Unopfuura wapanguva iyo zviyo zvavo newaini yavo zvawanda. Ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope, nekuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba. Pisarema 4:7-8 Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapfuura pairi; tsauka pairi, upfuure hako. nekuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. nekuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, nokumwa waini yokumanikidza. Zvirevo 4:14-17 Waini mudadi, doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera. Zvirevo 20:1 Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi. Zvirevo 21:17 Ndiani ane nhamo? Ndiani une urombo? Ndiani anokakavara? Ndiani anotaura? Ndiani ane mavanga pasina chikonzero? Ndiani ane meso akatsvuka? Ndivo vanogarisa pawaini; vanoenda kundotsvaka waini yakavhenganiswa. Usatarira waini kana yakatsvuka, kana ichivaima mumukombe, kana ichitapira pakumwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. Meso ako achaona zvisingazikamwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama. Zvirokwazvo uchava souya avete pasi mukati megungwa, kana souya avete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, Vakandirova, asi handina kurwara; Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; ndichapepuka rinhiko? ndichazohutsvakazve. Zvirevo 23:2935 Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kumwa waini; kana machinda doro rinobata, kuti varege kumwa, vachikangamwa murayiro, vagokanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika. Ipai vanoparara doro, Newaini vanomoyo mikukutu. Ngaamwe, akangamwe urombo hwake, Arege kuzorangarira kutambudzika kwake. Zvirevo 31:4-7 Vane nhamo vanomuka mangwanani kundotsvaka doro rinobata; vanovata kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere, newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake. Isaya 5:11-12 Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa; vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava. Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere. Vane nhamo vakaita mhare pakunwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata, vanoti akaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake. Isaya 5:20-23


Korona, inozvikudza, ine nhamo zvidhakwa zvaEfuremu, rine nhamo ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro wemipata yakaworera yavakakundwa newaini! Asi naivo vakadziviswa newaini, vanodzedzereka nezvinobata; mupristi nomuporofita vanodzedzereka nezvinobata, vakamedzwa newaini, vakadzedzereka nezvinobata; vanorashika pakuona, vanogumburwa pakutonga. Isaya 28:1, 7 Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kumwa waini, anoteererwa; nekuti havamwi kusvikira zuva ranhasi, asi vanoteerera murayiro wababa vavo; kunyange zvakadaro ndakataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditeerera. Jeremia 35:14 Mupristi upi noupi ngaarege kumwa waini, kana achipinda muruvanze rwomukati. Ezekieri 44:21 Asi Dhanyeri akatsunga mumoyo make kuti haangazvisvibisi nezvokudya zvamambo kana newaini yaaimwa; saka akakumbira kumuchinda wavaranda kuti arege kuzvisvibisa. Danieri 1:8 Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nekuti vakarega kuva nehanya naJehovha. Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere. Hosiya 4:10-11 Asi mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria; nekuti munyengetero wako wanzwikwa; uye mukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani. Ipapo uchava nomufaro nokufarisisa; uye vazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nekuti uchava mukuru pamberi paIshe, haangatongomwi waini kana zvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake. Nevazhinji vevana vaIsraeri uchatendeusira kuna Ishe Mwari wavo; Ruka 1:13-16 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba, kwete sevapenzi asi sevakachenjera, muchidzikunura nguva, nekuti mazuva akaipa. Saka musava matununu, asi vanonzwisisa kuti kuda kwaIshe kwakadini. Uye regai kudhakwa newaini, makuri mune bongozozo; asi muzadzwe noMweya; muchitaurirana nemapisarema, nedzimbo, nenziyo dzemweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe; muchipa kuvonga nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu; muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari. VaEfeso 5:15-21 Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, unoshuva basa rakanaka; Naizvozvo mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa, murume wemukadzi mumwe, wakangwara, unozvidzora, unozvibata, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa; usingadi waini, usingarwi, usingakariri fuma yakaipa; asi unotsungirira, kwete gakava, usingakariri; unobata imba yake zvakanaka, une vana vanozviisa pasi nekukudza kose; (Nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) kwete munhu achangobva kutendeuka, kuti arege kuzvikudza nokudada, akawira mukutongwa kwaDhiabhorosi. Uyezve unofanira kupupurirwa zvakanaka nevari kunze; kuti arege kuwira mukumhurwa nomumusungo wadhiabhorosi. Saizvozvo vadhikoni ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa; vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena. Naivava ngavatange kuidzwawo; ipapo ngavashande somudhikoni, vasina chavangapomerwa.

Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinura, vakatendeka pazvinhu zvose. Vadhikoni ngavave varume vane mukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka. Nekuti avo vakashumira zvakanaka vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu. 1 Timotio 3:1-13 Nekuti mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa semuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarovi, asingakariri fuma inonyangadza; asi unoitira vaeni rudo, unoda zvinhu zvakanaka, unozvidzora, wakarurama, mutsvene, unozvidzora; unobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, nekupwisa vanokakavara. Tito 1:7-9 Asi iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso mhenyu: Varume vakuru kuti vave vakadzikama, vanokudzwa, vanozvidzora, vapenyu parutendo, parudo, nepakutsungirira. Saizvozvowo vakadzi vakuru ngavave nemufambiro wakanaka, kwete vacheri, vasingadi waini zhinji, vave vadzidzisi vezvakanaka; Kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vave vakasvinura, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, kuti vave vakachenjera, vakachena, vachengeti vedzimba, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. Varume vaduku saizvozvo ukurudzire kuti vave vakasvinura; Tito 2:16 Akati kwavari: Tidudzirei pfungwa dzenyu maererano nemagwaro. Ipapo akatanga wekutanga, akataura nezvesimba rewaini; Akati, Imi varume, waini ine simba sei! inorasisa vanhu vose vanoimwa; inoshandura moyo wamambo nowenherera zvive zvimwe chete; yomuranda kana yomunhu akasununguka, yomurombo uye yomufumi, uye inoshandura pfungwa dzose kuva mufaro nokufarisisa, zvokuti munhu haacharangariri kuchema kana kuti zvikwereti; mambo kana mubati; uye rinoita kuti ritaure zvinhu zvose nematarenda: Uye kana vari mumikombe yavo, vanokanganwa rudo rwavo zvose kushamwari nehama, uye pashure pechinguvana vanovhomora minondo; zvaitwa. Haiwa imi varume, ko waini haina simba kupfuura iyi here? Zvino wakati ataura izvozvo akanyarara. 1 Esdras 3:17-24 Waini yakaipa, mambo akaipa, vakadzi vakashata, vanakomana vavanhu vose vakaipa, ndizvo zvakaita mabasa avo akaipa; chokwadi hachizi kwavari; vachaparara mukusarurama kwavo. 1 Esdras 4:37 Usaitira munhu waunovenga izvozvo; usamwa waini kuti udhakwe, uye kudhakwa kurege kuendawo newe parwendo. Tobhiti 4:15 Usatongogara nomukadzi womumwe murume, kana kugara naye pachipfuva chako, uye usapedza mari yako uchinwa waini naye; kuti mwoyo wako urege kurerekera kwariri, uye nokuda kwako ungawira mukuparadzwa. Muparidzi 9:9 Waini navakadzi vanogumbusa varume vane njere; Anonamatira zvifeve, uchava nehasha. Muparidzi 19:2 Regai kuratidza simba renyu pawaini; nekuti waini yaparadza vazhinji. Choto chinoidza kupinza nokuibika; ndizvo zvakaitawo waini yemoyo yavanozvikudza nokubatwa. Waini yakafanana noupenyu kumunhu, Kana munhu akabatwa zvakanaka; Ko zvino munhu anorarama seiko asina waini? nokuti zvakaitwa kuti vanhu vafare. Waini yanwiwa


zvakanyanyisa, nenguva yakafanira, inouyisa mufaro womwoyo, nokufara kwomwoyo; Kudhakwa kunowedzera kutsamwa kwebenzi kusvikira ragumburwa; kunoderedza simba uye kunokuvadza. Usatsiura muvakidzani wako pakunwa waini, kana kumuzvidza pakufara kwake; Muparidzi 31:25-31 Waini nomuimbi zvinofadza moyo; Asi kuda uchenjeri kuri pamusoro pazvo zvose. Muparidzi 40:20 Roti navanasikana vake vaviri vakasara mubako, vakamwisa baba vavo waini, vakavata navo, nekuti vakati kwakanga kusina munhu panyika ungamutsa mbeu kwavari, nekuti vakafunga kuti nyika yose yaparadzwa. Jasheri 19:57 Vakabva vamupa waini, akanwa, akadhakwa, uye vakagadza pamberi pake musikana akanaka kwazvo, akaita naye sezvaaida, nokuti akanga asingazivi zvaaiita, zvaakanga anwa waini zhinji. Ndizvo zvakaita vana vaMoabhu kuna Isiraeri panzvimbo iyo pabani reShitimu; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri nokuda kwechinhu ichi, akatuma denda pakati pavo, vakafa pakati pavana vaIsiraeri vana makumi maviri. varume zviuru zvina. Jasheri 85:60-61 Naizvozvo kana munamato wemunhu uchiperekedzwa nekusuwa, hauzotenderi zvikumbiro zvake kukwira akachena kuatari yaMwari. Nekuti sezvakaita waini kana yavhenganiswa nevhiniga, haichina kutapira kwayaimboita; saka kusuwa kuri kusanganiswa neMweya Mutsvene, hakubvumiri kuti munamato wemunhu ufanane sezvaungaita neimwe nzira. Bhuku rechipiri raHermas 10:22 Handina kumwa waini nezvinobata, nenyama haina kupinda mumuromo mangu, uye handina kudya zvokudya zvinozipa; asi ndakachema chivi changu, nekuti chakanga chiri chikuru, chisina kumbovapo pakati paIsiraeri. Testamente yaReuben 1:10 Zvino ndakati ndichimuona achidurura waini, nekuda kwekudhakwa kwewaini, ndanyengerwa, ndikamutora, baba vangu vakange vasina kurangana nazvo. Naizvozvo ndakanga ndabatwa newaini, handina kumuziva; uye runako rwake rwakandinyengera nechimiro chokushongedza kwake. Testamente yaJudah 2:18,24 Akamushongedza negoridhe namaparera, uye akaita kuti adire waini nokuda kwedu pamutambo norunako rwavakadzi. Uye waini yakabvisa maziso angu, uye mafaro akapofumadza mwoyo wangu. Testamente yaJudah 3:6-7 Uye zvino, vana vangu, ndinoti kwamuri, musadhakwa newaini; nokuti waini inobvisa pfungwa kubva pachokwadi, uye inokurudzira havi yeruchiva, uye inotungamirira maziso mukukanganisa. nekuti mweya wokufeva une waini inoshumira pakufadza fungwa; nekuti izvi zviviri zvinobvisa kufunga kwemunhu. Nokuti kana munhu akanwira waini kuti adhakwe, zvinokanganisa pfungwa dzake nemirangariro yakashata inoenda kuupombwe, uye inopisa muviri kukubatana kwenyama; zvino kana chishuvo chekuchiva chiripo, anoita chivi, asinganyadziswi. Ndizvo zvakaita murume wakadhakwa, vana vangu; nekuti chidhakwa haaremekedzi munhu. Nokuti tarirai, zvakanditadzisawo, kuti ndirege kunyadziswa navanhu vazhinji vakanga vari muguta, nekuti ndakatsaukira kuna Tamari pamberi pavose, ndikaita chivi chikuru, ndikafukura denga rakanga riri pamberi pavo. kunyara kwevanakomana vangu. Mushure mokunge ndanwa

waini handina kukudza murayiro waMwari, uye ndakatora mukadzi muKenani kuti ave mukadzi wake. nekuti kungwara kunoda munhu anomwa waini, vana vangu; uye pachinhu ichi pane kungwara pakumwa waini, kuti munhu amwe nguva yaane mwero. Asi kana akadarika muganhu uyu, mweya wokunyengedzera ukamupinganidza, uchiita kuti mudhakwa ataure zvinonyadza, nokudarika, asinganyadziswi, asi kuti azvirumbidze pakunyadziswa kwake, azviwanire kukudzwa. Iye anoita upombwe haazivi kana achirasikirwa, uye haanyari kana achinyadziswa. Nokuti kunyange munhu ari mambo uye akaita ufeve, anotorerwa umambo hwake nokuva muranda woufeve, sezvandakatamburawo ini. nekuti ndakapa tsvimbo yangu, inova mutsigiro worudzi rwangu; nebhanhire rangu, ndiro simba rangu; uye korona yangu, ndiko kubwinya kwoumambo hwangu. Uye zvirokwazvo ndakazvidemba pamusoro pezvinhu izvi; handidyi waini nenyama kusvikira ndakwegura, uye handina kuona mufaro. Ipapo mutumwa waMwari akandiratidza kuti vakadzi vanobata ushe nokusingaperi pamwechete navapemhi. Vanotorera mambo kukudzwa kwake, nemhare simba rake, nomupemhi kunyange diki, mubatsiri wake wourombo. Naizvozvo, vana vangu, cherekedzai chiyero chewaini; nekuti mairi mune mweya mina yakaipa, yekuchiva, neyokuchiva, neyoupombwe, neyofuma yakaipa. Kana ukamwa waini nomufaro, shinga pakutya Mwari. Nokuti kana kutya Mwari kuchibviswa mukufara kwenyu, kudhakwa kunomuka uye kusanyadziswa kuchavapo. Asi kana muchida kugara makadzikama, regai kutongobata waini, kuti murege kutadza namashoko okutsamwa, nokurwa, makuhwa, nokudarika kwavahedheni. mirairo yaMwari, uye munofa nguva yenyu isati yasvika. Uyezve, waini inozivisa zvakavanzika zvaMwari nevanhu, kunyangwe sezvandakazivisawo mirairo yaMwari nezvakavanzika zvaJakobo baba vangu kumukadzi wechiKenani Bhatishua, izvo Mwari vanditi ndisaburitse. Uye waini inokonzera zvose hondo nenyonganyonga. Testamente yaJudah 3:10-29 handina kumwa waini, kuti nditsauswe nayo; Testamente yaIsakari 2:7


Turn static files into dynamic content formats.

Create a flipbook
Shona - Dangers of Wine by Filipino Tracts and Literature Society Inc. - Issuu